Top 5 Yangu Mu Bhama 'Robbery'

Top 5 Yangu Mu Bhama 'Robbery'

Mufesi wekuimba rimwe track rinonzi Joina City adonhedza bhama nyowani rinonzi Robbery. Emergy Chizanga uyo anozivikanwa nekuti Freeman HKD akaita mukuru mbira nenziyo inonzi Joina City iro rairira kwese kwawafamba munhu. Ndichine chigumbu nemuimbi uyu akaita kuti ndifunge kuti Joina City ihotera kkkkk. Anyway back to nyaya yeRobbery... 

Dambarefu iri rine nziyo dzinosvika gumi uye zhinji dzakabikwa nemuchinda anoitwa Cymplex. Nziyo idzi dzakabikwa nemazvo dzose asi padzese ndine shanu dzakndibata moyo. Ndedzinoti:

1) Gomba yoo aka kakaipa kane message kambo aka. Ndanzwa nekukadzokorodza aka muimbi akagonesesa apa. Kagospapa song kanoratidza kuti tofamba takachengetedzwa nemusiki nekuti vavengi havana zororo.

Manotable Bars

Ndakatakura mukwende vaitoda kundikandira mugomba...

Ukangomira mira unonzwa vahumana sandi vekure ndinoreva vehukama

Ane ruvengo kubaiwa moyo ndakushanda

Vanoda kuti ndimedzwe sezvakaitwa Jonah 

2) Robbery aka ndangotanga kugutsirira musoro beat racho rakasotwa uye  rakaipa. Ka song kevanhu vanenge vawira murudo zvakapfurikidzisa. Ndafarira maflowero aanga achiita apa achiisa twumwe twuma words twuma riiiiiiiiiii riiii.

Ndoita robbery as long money ndoda zvima jewellery

Nekuda kwerudo ndachinja kuita criminary

Chii chaitika tongosiya judiciary

Ndoponjesa kana truck yeku bakery

You look special chimbovhura dictionary

Wangosvika padhuze ndikanzwa shivery

Uri extraordinary kwete ordinary

3) Tanakidzwa kasong kevanhu vanoda zvekunakidzwa yaaa. mmmm vakadzi vacharara vega mudzimba umu ana baba vasisade kubaya kudzimba vanakidzwa kumafaro. 

Notable Bar

Saka kumba handiende ini kana pano pachibaka. 

4) Kusanganisa aka kasong kema hustlers kanoita kurovesa madhanzi. Apa muimbi anga achiti motivator kuti kana zvaramba toramba tichizama zama. Kasong kanopa simba kune vese vanoita Mubato we maoko.

Notable Bars

Iva man of the match kuti uwane hatrick 

Hakuna easy life vamwe mazizi havatorare mumba 

5) Wairesi (Wireless) aka muimbi anga achizvifeeler. Anga tadzenei kuzvifeeler nekubura kwaakaita zvinonakidza kudai.

Kambo aka kakanyorerwa vese vaye vane godo naFreeman vanorwadziwa nemukurumbira waaiita kusvika Ave kunzi Chiremba wemagitare. Muimbi anotaura kuti negodo ravo vachasvika pakutengesa maWairesi kuti vasanzwe nziyo dzake dzichiridzwa.

Kune dzimwe nziyo dziri mudambarefu dzinosanganisira Chimhanya iyo yakaimbwa pamwechete naDaruler naTocky Vibes yabata moyo yevatereri vazhinji. Dare remagallis, Huhwi nekechirungu kanonzi Don't Do it.

Vakuru vakati chiri mumusaka saka chinozvinzwira, kana usati waterera dambarefu iri enda unozvipa nguva uzvinzwire.