Ongororo Ye Twabam Riddim

Ongororo Ye Twabam Riddim

Twabam Riddim radonha rine 14 ma tracks raka produswa na Maselo ne Sunshine Family under Passion Java Records. Zviri kuratidzwa ne screenshot riri pazasi apa.

Ndakungoti ga ga ga  ndichiongorora each track zvisina order .

1) Soulja Love- Ndingaite Sei? apa chibaba vaitaura kuti vakungovengwa nevanhu vese.Eish riri so touching.

2) Jah Master - Mari Yangu ha ha apa akuchemera zvikwereti zvake vanhu ngavadzosere Jah Master mari dzake mamunyanyira.Vanhu havadi kudzosa zvikwereti asi kukwereta kunonakidza kaa. Paati "Mari yangu ndotoida kunyangwe riri dollar"  ndabva ndaita weak hameno kuti dollar racho i yuwesi here or Rtgs.

3) Uncle Epatan - Pum Pum Addiction hayaz zvakaoma aka munhu unongotanga kuseka endai munozvinzwira mega.

4) Bazooker - Mamonya Matete  apa pari kungotaurwa zvemamonya kari bho.

5) Andy Muridzo - Mbavha DzemaStanzi Andy ane chipo kakaipa aka kanoita kutambisa ma jaivhi. Achiita kamwe kakuflowa so ka Fav.

6) Hwinza - Chisingapere  Yaa chisingapere chinoshura vanhu musavhairirane hauzozive kuti zvinozodii pamberi apa.

7) Ginna Marina - Mwana ichi bho.

8) Polokwane - Inini choita kutambisa ma dance ichi kana kuita ringtone.

9) Ndunge Yut - Mufudzi weMombe varamba mufudzi wemombe. Iyewo ane musikanzwa mufudzi uyu.

10) Delroy HKD - Musikana Wangu uyu akuchema chema memasikana wake asina hana.

11) Strive - Pazvinorema uyu akapenga ma vocals ake dope. Yaa pazvorema zvinoda kupfugama uchinamata munhu.

12) Cyjah - Mari Yaa mari inodiwa munhu wese anoda bag.Kari bho aka abva afunga kudenha Andy Muridzo hayaz.

13) Paramount Chief - Moyo bho futi.

14) Ras Sweat - Handichaita  iri bho .

Vakanyanya kupisa mu Riddim iri AKA Top 3 yangu yakamira so.

1) Strive - Pazvinorema
2)Soulja Love- Ndingaite Sei?
3)Andy Muridzo - Mbavha DzemaStanzi

Hameno kuti vamwe yenyu top 3 yakamira sei mondipa answer mu comment section.

Medley rakabatana richabuda soon link riri pazasi.