Top 5 Yangu MuBhama 'Gwara'

Top 5 Yangu MuBhama 'Gwara'
Top 5 Yangu MuBhama 'Gwara'

Jah Prayzah akadonhedza bhama nyowani rinonzi Gwara. Pane poll iri pazasi yandakaita yekuda kunzwa kuti ririsei vazhinji vakati ririkunaka.

Bhama racho rine ma trcks 16 rakatakura haro yaa ndakuchitaura top 5 iya.

1) Nherera aka pandakatanga kukanzwa ndakadza kukapedzisa kanorwadza kunzwa hakadi vanhu vasina kusimba pamoyo. Kakutaura zvinoitika chaizvo mu society zvinotosiririsa. Kanyanya kundibata bata kakandipinda mubhonzo ndosaka ndakaisa pa number 1. Ndanyanyobatwa batwa nema bars ari pazasi apa. 

Misodzi yangu haichina chirevo ndiro tsime  rekufara kwavo 

Pfuma yenhaka vakagohwana madiro 

Pfuma yababa vanga voita madiro 

Mhere yangu haichina anonzwa vanongoti ndoyema

Ndokumbira pashomapo vokwindimara

Voguta zvasara vorasa nemarara, ndonhongorera ndonhonga

2) Boi Boi aka kakaipa munhu unongonzwa kuda kutanga kujamba jamba uchiterera so. Kanoita kurovesa madhanzi ndanga ndakutorova twuma hallucinations ndiri pa growth point, ndakaisa karadio pa high volume ndichikiya madhanzi ndichityoka tyoka kunge nyoka.

3) Ndodzungaira aka ka song kema slow dhanzi kari different kune mamwe ma trcks. Kanga kachiita kunge ka Rhumba like. Ndafarira more lyrical content iri apa ndanzwa nekukadzokorodza.

4) Bvumbamirai aka pandatanga kukanzwa ndangotanga kudzungudza musoro nekunakirwa apa kakareba ka trck kacho. Aka unogona kubuda shavi kana usina kusimba. 

5) Humhandara aka hameno zvakari so kakazara ma emotions akawanda kari so touching. Jah P achiimba zvinyoro nyoro so kakurumidza kupera ndichida kunzwa more. Kana usina kusimba unogona kudonhedza twumusodzi apa. 

Vanozoda kunzwa full bhama parezvino munoribata ku Youtube. Ndakudzokera kunoita zvandanga ndichiita, since mapedza kuverenga top 5 iyo chisarai muchiona video nyowani raadonhedza makuseni ano reimwe song iri mubhama Gwara.