EXQ Adonhedza 'Paya Paya'

Ndanga ndane time ndisina kutaura zvemuimbi uyu. Abva atipakurira vhidhiyo re trck rake rinonzi Paya Paya. Video racho riri dope apo patoona mufesi abaya nebhebhi rake kumba achinoratidza Momz. Ha ha havana kufara nazvo pakaitika drama. Vanoda kuzoona kuti chii chakazoitika mobaya monozvionera padenga apo.