Jah Prayzah Aramba Kupera

Jah Prayzah Aramba Kupera

Jah Prayzah akabva kudonhedza bhama rake Gwara mazuva apfuura aya. Tichiri pakati pekunakidzwa nebhama ndobva apamhidzira nekudonhedza ma vhidhiyo. Akatanga kudonhedza video rinonzi medha apa ndangonyora zita racho nechi Shongrish spelling chaiyo munoiziva. Medha video rika feature ana Van Choga, Prophet Madungwe, Fantan na Bhutisi etc. Ndakanyanyo nakirwa nemabhebi aibuda muvidhiyo iri haa anga akabatana anga ane magadziko aizadza screen. Ndichatoita plan ndopihwa number nemukomana pamwe ndipo pachabva muroora. 

Ndobva adonhedza Nhoroondo chapter 1 iyo yainzi Nyeredzi. Apa ndopataiona mufesi nemusikana vachitanga kuita twu romance romance nekutaimirana rana. Ndakanyanyo spakwa ne part yaanotakura bhebhi rakwara so kuden kwaro. Achisvika nekuona dhara rebhebhi raka eazer panze haro. Ndezve mufirimu zviya pa real life unomhanyiswa nedemo kkk ukaita staira iro. Vhidhiyo re Nyeredzi rane 547K views ku youtube ndaona riri kutrender riri pa number 1. Akupisa mukomana aramba kupera.

Tabva ipapo bvapaburwa chapter 2 ye Nhoroondo ichinzi Chimwe ne Chimwe. Apa ndopatoona couple iya zvisiri kuvafambira mumba nhumbu ichiramba kubata. Kana nzara inenge yanga yapinda mumba futi zvakazoita kuti umwe wacho azouuya pa Harare kuzotsvaga bag. Panozopera chapter iyi toona vachifara nhumbu yabata finally. Video re Chimwe ne Chimwe rine 348K views richitrender riri pa number 20 ku youtube.

Tabvapo ndobva adonhedza Chapter 3 Ndichiyamwa iyo iri kutrender iri pa number 2 ku youtube ine 247K views. Apa ndopatoona couple iya yepa chapter 2 ichi bleswa nemwana. Mwana uya obva asiwa ku roots achiri mudiki achibatwa rough na mainini na bamunini. Couple iya yobva yatenga pfuma yobva yaunza pamusha but eeh pakaita vasina kuzvifarira. Video racho rinopera couple iya yaisirwa mushonga yafa mmm zvinotosiririsa. 

Tabvapo ndobva padonhedzwa chapter yekupedzisira Nherera. Iyi ndoinonyanyobata bata. Patoona couple iya ichivigwa mainini vachirova ma fake tears kkk hayaz. Mainini vakaoma vaya vachibata mwana we couple yedu iya rough. Pfuma ye couple iya vanhu vakaita sadaka. Panozopera video toona bamunini na mainini vachitsvira mumba. Video re chapter 4 iri ndaona rine 114K ma views.

Hatina kana kumbowana zororo akungoramba achitipa mambama ezvinhu zvinyowani. Mangwana akudonhedza video re song yake Boi Boi irimo mubhama Gwara. Boi Boi yanga iri number 2 mu Top 5 yangu. Tichaona kuti rinenge rakamira sei video racho aramba kupera mukomana