Top 5 Yangu Mubhama Inzwai Kuchemawo Mambo

Top 5 Yangu Mubhama Inzwai Kuchemawo Mambo
Top 5 Yangu Mubhama Inzwai Kuchemawo Mambo

Ndaingozeza kunzwa bhama nyowani ra Killer T raakabura ma days apfuura rinonzi Inzwai Kuchemawo Mambo. Ndanga ndane time futi ndisina kumbomunzwa, ndakapedzisira kumunzwa kare ma days aiirova mamwe ma Popopopo aimbonetsa achingoridzwa mu Kombi yese yandapinda. Ndakuchitaura top five yangu kubva mubhama iri. 

1) Ndichazofarawo vanhu vazhinji vanoita relate neka track aka. Yaa zvinombooma shuwa but zvinozongonaka chete. Apa muimbi aiita kunge aiitaura zvaiitika ma days ake ekare zvisiri kumufambira. 

Ma Notable Bars 

Kutambura ndoyaingova mbiri yangu 

Kushaya kana chikafu chekutakura kuchikoro 

Uniform yaibvarukira pamuviri

Taizivikanwa kuti ava vanongokumbira

2) Mupe Mari apa muimbi anenge achitikurudzira hedu kuti tipe mari ne attention mabhebhi edu. Ka Trck kacho kanoita kutambisa majaivhi beat racho rakabikwa bho kari kutrender kari panumber 11 ku Youtube. Ndinopokana nemuimbi mbichana . Vanhu havafanirwe kujaidzwa kupihwa mari. Vanhu vanofanirwa kufunga kuti toita madhiri api anoita kuti tiwane mari mu relationship. Kwete zvekuda kuita kunge ka broiler kanongomirira ku feedhwa. 

3) Ukandiudza aka ndeke vanhu vari murudo aka kane message yakasimba kwazvo kune vanodanana kuti musatambe nemoyo yevamwe. Vamwe moyo dzavo hadzina kusimba. Kari kutrender ku YouTube kari panumber 8. 

4) Tsiurikawo iri trk rine message richitipa yambiro yekuti tiite zvinhu zvisvinu zvakatwasanuka zvinegwara.  Kangone same message nerimwe rake rekuti Ndanyarara

5) Hosana aka karibho futi kane message futi munhu unongotanga kugutsirira musoro uchitanga kukanzwa. Aka kakutrender ku Youtube kari pa number 10. 

Yaa maiona kaa Top 5 yangu iyo bhama racho riri bho . Lyrical content yemuimbi ine message yakada kufanana nemusic ya Tocky Vibes. Ndangomirira kuona video richatanga kubuda kubva mubhama iri. Vanoda kuzonzwa full bhama vanoribata apa.