Top 5 Yangu Mubhama 'Sungura Museve'

Top 5 Yangu Mubhama 'Sungura Museve'

Tanto Wavie adonhedza bhama nyowani rinonzi Sungura Museve. Iro rine a mixture ye Sungura ne hiphop trap. Handifunge kuti pane akambozviitawo zvakadai munyika yedu iyi atogadzira genre yake ega iri unique arikuiti TrapSu a.k.a Trap Sungura. Bhama racho randitambudza kugadzira Top 5 coz ma trks acho akunyanya kunakidza. Muimbi wacho anoimba zviri natural zvisiri zviya zvekubuda tsinga ane chipo.

1) Mabhachi Aka aka feature Denimwoods kakaipa mmm. Uyo Denimwoods ndatotanga kumuzivira ipapa eeeh anopisa anoflowa. Combination iyi haina kumira fine. Ndanzwa nekukadzokorodza aka...

 

2) Sungura Museve Sungura iri mu slowmotion. Ane chipo mufesi uyu anofanirwa kuimba sungura chaiyo iyo iya yakamufita futi skrrrr skrrr Trapsu. Beat reapa rakagonekwa.

3) Mhiripiri Sauce aka ka song kevanhu vanozvifilla. Vaya vanoda kuzvifilla ka song kevanhu vane drip skrrr skrrr kakaipa. Iye muimbi anga achizvi feeler achizvibhiga apa. Anga tadze nei kuzvibhiga kuzvifilla kkk bhama racho riri kupisa. 

4) Takura aka kane message kakaipa yaa vanhu vakawanda vane zvavaishuwira senge ini munyori but eeh zvakaenda nepamwe. Aka kane kanenge kachifamba slow slow karibho.

5) Mudhipisi Kakaipa aka pane kagitare kanenge kachirohwa apa kasina kumira fine. 

Yaa maiona kaa Top 5 yangu mubhama iro. Vanoda kuzonzwa full bhama munoribata apa