Mufesi Wekuramba Kupera Power Nutty O Adonhedza Mixtape

Mufesi Wekuramba Kupera Power Nutty O Adonhedza Mixtape
Mufesi Wekuramba Kupera Power Nutty O Adonhedza Mixtape

Nutty O atipakurira Mixtape rake CornerStone iro rino feature vaimbi vakaita sana Chris 99, Nasper, Bling4, Bagga, Driemo, Roberto na M-Killer. Ndatotanga kuziva Chris 99, M-Killer, Nasper pa CornerStone ipapa ndichange ndichivadongorera pamazuva anotevera. Kwozoti Roberto wepa Zambia uyu ndikurangarira song yake yakambopisa ndiri ku primary yainzi AmaRulah. Vamwe vaku feature avo vakupisa mazuvaano ana Bagga, Bling4. Wekupedzesera Driemo ndewe pa Malawi apa. 

Mixtape racho rine matrks 12 raka feature maprojusa akati wandei ana Jusa Dementor, Nasper Incoming, Angel Pablo,  GangsterMadeit, NyandaMadeit, Spirit Fingers, Vincent Good Beats , JMP na Infinity Beatz. Yaa panga pane shasha dzinobika ma beats. 

Vanoda kurinzwa munoribata apa. Vanenge vachida kuona Top 5 Yangu kubva muMixtape iri munoibata apa. Ndavhunza mastreets kuti vaku feeler sei ne Mixtape iri vazhinji vakuti riri kupisa.