Mitemo Ine Gumi Yepa Twirra

Mitemo Ine Gumi Yepa Twirra

Mazuvaano mumastreets eTwirra vanhu vane hasha.Hamuchazi mekuita zvekutamba or else uno dregwa.Kuti munhu uve pa safe side...

1)Pese panenge paitika drama tarisa kuside woita kunge usina kuzviona but iwe wazviona hako.

2)Avoid kuita ma sub tweets coz uchingopedza kuita chi sub tweet zvinoswera zvasvika kumuridzi ukashurwa shurwa.Muridzi wenyaya akazviona anotsvaga ma likes newe ayii.

3)Panyaya dzese dzinenge dzaitika mumastreets usatore side ramba uri neutral coz munhu hauzive ari right or wrong .Munhu unozobaya ku wrong side ukanyara wotanga kudhilita ma tweets or replies .

4) Usati waposta anything mumastreets tanga wafunga kuti ichi ndikachiposta how will people react.

5)Mamwe ma tweets tanga wamboma vhenekerwa  neshamwari dzako usati wapostwa.Unongotumira chi draft tweet wongoti ichi chiri sei wonzwa feedback kana akati no hauchikande kana akati yes unochikanda.

6)Vese vanenge vachida kuisa pamuyedzo unoita ignore and ma extreme cases kubloka coz mumastreets mune vanhu vanombopisa musoro. 

7)Avoid kutaura ma sensitive topics or kuita comment on ma sensitive topics vanhu vano dregaa kaa so kunyarara bho.

8)Usanyanye kufumura fumura zvakawanda pa TL zve private life yako coz iii.Pakaita ane godo anogona kuzotaura zvisina basa.Vamwe vanotozorova ka ma investigations vachida kuita dig some dirt. Havasi vanhu vese vanokufarira kaa kune vanenge vachitorwadziwa.

9) Avoid kungopinda pinda muma DM ese ese evanhu nekutumira zvisina basa or else unozochema. 

10) Usalikise pa TL zvinenge zvaitika ku DM (ku Inbox).