Guspy Warrior Aramba Kupera

Guspy Warrior Aramba Kupera
Guspy Warrior Aramba Kupera

Pandakapedzisira kutaura nezve muimbi uyu anga abva kudonhedza kavhidhiyo ke Ready. Gore rino akaipirwa akubura ma number hobho hobho. Mazuva apfuura aya Guspy Warrior akadonhedza EP nyowani rinonzi Gold Mafia. Vanoda kurinzwa munoribata apa

Top 3 yangu kubva muEP iri yakamira yakadai. 

1) Gold Mafia aka kanoita kutambisa madhanzi. Munhu uchitanga kukanzwa unotanga kugutsirira musoro international stuff. 

2) Ndotenda aka kane message bho kanobata bata zvekupinda mubhonzo. 

3) Sauro Chibaba aka kari dope katribute kuna Souljah Love. 

Muimbi uyu anoimba zvine message zvinobata bata. EP iri akarigona harirwadze kunzwa. After atikwapaidza neka EP ndobva adonhedza vhidhiyo nyowani re trck rake Hustle Little Africa. Akupisa mukomana tichaona kuti achabura zvipi pamberi apa.