Kayflow Adonhedza Vhidhiyo Nyowani

Kayflow Adonhedza Vhidhiyo Nyowani
Kayflow Adonhedza Vhidhiyo Nyowani

Kayflow akabura kavhidhiyo kanyowani ke trck rake Ramba Wakadzvanya. Ndekekutanga kutaura nezve muimbi uyu. Yaa anoimba zviribhoo hazvirwadze kunzwa. Vhidhiyo re Ramba Wakadzvanya riri simple rakarongeka. Ma bars ake anopisa anoimba reality. 

Akamboita collabho na R Peels mu EP rinonzi Murace. Akaita imwe collabho na Voltage Raps paMuround. Collabho imwe na Shaqu pa Mazimba. Ane ma trcks akaita sana Mfana Wepajecha, Sei Sei, Bhutsu, Pressure, Jazzman,  Honda Fit, Pisa, Tapira achiri kupisa.

Hameno mavhidhiyoz ake ese zvaari vanhu vanomabika vakugona kubata basa. Panenge pasina zvakawanda but zvinhu zvese zvinongobuda bho. Zvondipa kamwe vibe kema classic vhidhiyoz ekare so. Muimbi uyu achasvika kure anogona kuflowa zviri natural pasina kubuda tsinga sezvinoita vamwe vaimbi. 

Kayflow ikind yemuimbi wekuti pese paanenge a feature panobva pawedzera kupisa. Anoita kuti ma trcks anakidze. Ngaarambe achibura mangoma mukomana.