Trevor Dongo Akadonhedza Mavhidhiyo Maviri

Trevor Dongo akabva kudonhedza EP nyowani rake rinonzi Different. Rine ma trcks four. Ma trcks acho ese anopinda mubhonzo anenge achifamba zvinyoronyoro.
Akuramba kupera sugar, after adonhedza EP akabva atipakurira vhidhiyo rekutanga re trck rake Peace Of Mind kubva mu Different EP. Peace of mind yakakurumidza kupera apa ichipisa dai akawedzera mamwe ma minutes. Vhidhiyo racho after 11 days richipisa riri pa number 13 ku YouTube uko.
Ndobva atirova nechimwe chi surprise akabura rimwe vhidhiyo re trck rake Dima kubva mu EP rake Different. Dima inoda kunzwa nekuona une ma tissue ekupukutisa misodzi. Inofungisa zvakawanda zvinenge zvakahwanda mumoyo. After 5 days yabuda yanga iri kutrender iri pa number 17 ku YouTube uko.
Mavideos acho akabikwa zvakanaka zvinenge zvichiimbwa zvinenge zvichinyatsoendera neku actor kunenge kuchiita vanhu. Sando kune vanhu vese vakaiita kuti zvibude zvakanaka kudai.
Top 2 yangu kubva mu Different EP
1) Peace Of Mind
2) Love At First Sight