Twitter Yadonhedza kaFeature Kanyowani

Twitter Yadonhedza kaFeature Kanyowani

Twirra yabura kaFeature katsva kekuvharira vanhu panze vanobhowa kanonzi Remove This Follower. Havasi kuzorora varidzi vemastreets vakungoramba vachibura zvinyowani tichaona pamberi apa kuti vachatibuditsira zvipi zvimwe. Yaa kune vamwe vanhu mumastreets vekuti unenge usingade kuti vakutere vanenge vachibhowa or vanozokunyadzisa vakaonekwa vari pa list yema followers ako. So ka feature ikaka ndopakanoshanda. Kudhara ini ndaiita zveku bloka munhu nekuita unblock zvaibva zvaita kuti munhu uya asakutere. 

Kana uchida kukaona ka feature aka unobaya ku list yema followers ako. Woenda pane zita remunhu wacho wobaya three twuma dots twuri pamberi pezita racho, walla unobva waona ka feature kacho kanyowani ako kandaisa ka red dot pa screenshot riri pazasi apa.

Or unobaya pa profile yemunhu wacho wobaya three twuma dots so . Panobuda chakareba chine ma options akawanda wanda munhu unobva wabaya pakanzi remove this follower.