Aah Ndapera

Aah Ndapera

Mumastreets eTwitter ari kundiremera mazuvaano handidi kunyeba kkk. Senge makuseni ndatombokanda ma tweets about 4 ashaya kana like, retweet ne comment. Ndabva ndanzwa kunyara ndikadhilita ma tweets acho. Ndini ndadii ndokupera kwacho kaa. 

Ndinobvumirana nemashoko akataurwa namudhara ava kuti ndapera kunge bearer cheque.Ndichatopota ndichitambira kuma tweets evamwe muma comment section. So mofano gadziririra ndiri kuuya mu comment section yema tweets enyu.