Bagga Abura Chidimbu CheEP Chirikubvira

Bagga Abura Chidimbu CheEP Chirikubvira
Bagga Abura Chidimbu CheEP Chirikubvira

Bagga adzoka neEP nyowani rinonzi 3Stripes. Apo angotipa chinzwisa chechidimbu chekutanga chiri kupisa. Ha ha zvema sections zvaakaita apa zvinondifungidza zvima cassettes zvekare zvaive ne side A ne side B. Sekutaura kwandakamboita kumashure uku, muimbi uyu ane chi voice chakakorerera kunge chaShinsoman anogona kuflowa. Anoimba zviri unique zvine message hazvirwadze kunzwa. 

Ane ma trcks anopisa akadonha akaita sana Gevha, Nhau Yangu, Kunta Kinte, 2022, Taikondoh, Jeso Kristu, Munamato Wangu. Ma trcks ake ndiwo aye ekuti kana uchimanzwa munhu unotanga kugutsirira musoro anopisa mukomana. 

Ndanga ndamborasika mbichana ndichimbotaura zvisina basa ndakuchienderera mberi nezve EP nyowani iri. 3stripes side rekutanga riri kunzi A. Rine ma trcks anoti Nyarara yakaprojuswa na DJ Tamuka, Muyedzo yakaprojuswa na DJ Panaxe, Sango yakaprojuswa na Nasper neka extra kanonzi Mwana Wamambo/Ramada kakaprojuswa na Zero53Music.

 

 Nyarara hameno zvairi yakazara nemazi emotions. Ne first 10 seconds dzayo haa unonzwa kuti trck iri rospaka.  Bagga anenge atisimbisa kuti tipfugame tichinamate chero zvikaoma sei. Vhidhiyo racho radonha nhasi 18 Gumiguru. 

 

PaMiyedzo, Sango ne Mwana Wamambo  
kwanga kuri kugutsirira musoro ndichispakwa nemangoma. Ane chipo chekuimba mukomana uyu. Hapana kana trck one rinobhowa kubva mu section yekutanga yeEP iri twese twuri kupisa. Vanonzwa chidimbu chacho mochibata apa.