Mudiwa Opromisa Matwimbo Mombe

Mudiwa Opromisa Matwimbo Mombe
Uyo Mudiwa Wacho

Kuchange kuine makuwerere kuVillage 6 musi wa 1 Chivabvu apo vanhu vachange vari pasadaka renhabvu nekudya. Mushure mekunge muimbi ane mukurumbira wekutukwa patwitter anoitwa Mudiwa Hood abheja mombe yekuti Matwimbo ayo anogara achimutuka agoche adye nekupembera. Chiitiko ichi chiriko kuVillage 6 Mhondoro.

 

Chiitiko ichi chirikuuya mushure mekunge Mudiwa Hood akatengazve mbatya dzekutambisa bhora idzo akagovera kuvatambi veVillage 6 neve Zwitter FC. Village 6 ndomusha we mukomana anonzi Terry Maphosa uyo ane mbiri yekupfuya huku.

Mudiwa akatizve achauya nePA system yekuti vanhu vatandare vachnzwa magitare. MaTwimbo atambira Chiitiko ichi nepfungwa dzakasiyana siyana.

Vazhinji vafara nehurongwa uhu uye varumbidza Mudiwa vakati Dai Mwari amukomborera awedzerwe paatapudza. Vamwewo varikuti Dai vasiya zvePA system nekuti varikuti Havadi kunzwa mumhanzi yaMudiwa.

Tichange tichikupai zvizere panyaya iyi mumazuva anotevera.