MaCartoons Ekare Aifaya

MaCartoons Ekare Aifaya

Ma old days aifaya ndiri ku primary ndanga ndisina basa nezvakawanda.Ndaiva obsessed nema cartoons stereki.Ndaiti ndikabva ku chikoro so ndaitanga kumhanya kunoona Tv kana zve homework ndaimbokanganwa.

Ma cartoons akuitwa izvezvi asiyana nekare, emazuvaano akuwanzwa magetsi zvinotosvota.Ma Ama 2000 havambozvinzwisise kuti taionera ma cartoons aya kudzimba dzevanhu nepamawindow futi. Dzimwe nguva tichionera pama black and white tv..ZBC yanga yakarongeka mazuva aya. 

Ma days ema cartoons akaita sana  Blinky Bill,Denver the last dinosaur, Voltron, Gustavus etc .Kwozoita chimwe chainzi Spartacus so chaimara changa chisingapere.

So pane tweet yandakazoita muna 2018.Ndanga ndaona kuti ndakanganwa mamwe mazita ema cartoons ekare aya. Zvakafamba mushe ndakawana mazi overwhelming responses. Katova ka vintage tweet kandichapota ndichitarisa kana ndichida kutsvaga any zita re cartoon yekare ndobva ndatanga kuyi streamer hangu, and also vamwe vanogona kuishanyirawo

Tweet yacho ine ma comments anopfuura 600 haaa yakosha best tweet futi. Vanoda kuiona iripo pazasi apa.