Kuva Single Kuri Kundirwadza

Kuva Single Kuri Kundirwadza

Pese pandomuka makuseni whatsApp yangu inenge yakazara ma messages ema grps. Pasina kana ka morning kanobvawo kumusikana so soulmate. Zvikafamba mushe ndichaidhilita WhatsApp yacho. Zvakangofanana nemunhu asina App kaa.Kana ma messages asingauuye haisisina basa.

Marimwezuro ndakatoposta ka tweet kekushunguridzika kari pazasi apa. Hope dzanga dzaramba kubata ndichiita kurwadziwa.

Apa worse mazuvaano ndiri kuswera ku Village (Facebook). Kwakaoma pressure yacho so, timeline yangu inenge ichingopfuura michato nema couples. Nema nhingi ava mu relationship na nhingi. Nhingi azodai nanhingi.Ndiri kutombofunga kukutiza futi haa uku kunokonzeresa depression yakanyanya.

Zvinozonyanyodzimba kuona crush yako yabaya.Wakurova twuma regrets so kuti ndakazvinonokera dai ndakakurumidza kutumira cv.Vamwe vachipihwa ma mcm nevasikana apa ini hangu hapana kana one inombouuya maybe, pamwe inhau yekuti face yangu haizivikanwe maybe tomboti.vanenge vachingoti kamuti aka aka .

Ma DM ndichingopihwa ma blueticks haa zverudo hazvisi zvangu. Manheru so whatsApp inenge itori desert hayo kuita kunge kusina vanhu. Pakurara ndorara ndakambundira pillow yangu hangu.

Dzimwe nguva ndombonzwa kuda kudhilita zvima apps zvese. Handione use yazvo zviri kutondipa stress. Hameno tichaona nekufamba kwenguva.Kwese kwandaenda anenge angori ma couples. Mu Town ndomumwe umo unenge uchiita kumaona physically. Yowe unotoita stress worse munhu.

Worse vanhu vepaden unovanzwa vachingovhunza vhunza muroora chii chii. Ana Gogo nana Maiguru vanotowedzera stress yacho. Hameno kana ndikawanawo soulmate yanguwo for now zverudo zvikundiramba. Ndikuita kunge munhu akatemerwa nyora dzekunzi uyu uyu.Zvenyu vari muma relationships mukuita kufairwa nehupenyu.