Masai sai emuno anoshungurudza Part 1

Masai sai emuno anoshungurudza Part 1
Image by Pete Linforth from Pixabay

Ndadzoka after some hours ndavharirwa panze nemamwe masai sai so. Zvinhu zvacho zvinotogumburisa hapana kana kuri nani vakangofanana vanhu vacho vemasai sai ava. Ndakutaura zvandosangana nazvo pamakambani emasai sai andinoshandisa akati ooh. 

Masai sai ekutanga network yacho inomboita kamwe ka slowness so ichingobaka ichidzima payadira zvekuti zvinotokanganisa zvakawanda ma webpages anenge asingavhurike zvekumhanya. Inogara iri unstable iyi every network mode inenge ichingonetsa network whether waisa pa 3g or 2g or 4g/LTE inenge ichingoshupa chete. Chero munhu ukaisa line mufoni yakaitasei inenge ichinetsa chete. 

Ma messages ekuwhatsapp anoita ma delays achinonoka kupinda. Magetsi akabaya it becomes even worse haa inotiza chete. Unonzwa nekuisa foni pa flight mode nguva nenguva uchizama kuwana connection.

Munhu unoita wish kuti dai ndadzoserwa mari yangu. Manje eeh havaiite budge ha ha haufe wakadzorerwa mari yako apa. Even kuita kombatseti ma lost days and hours havaiite ava. Vanotongokuudza kuti sorry sorry zvatovharana apa unenge watenga 50gig expiry date yosvika wangoshandisa kana 10gig. Havana kana mercy vanhu vacho unochema chete.  

Ava customer care yavo inokurumidza kupindura nekubatika but service ndoyava marara hayo. I hope kuti vachagadzirisa quality yemasai sai avo. Ndogara ndichivauudza kuti huyai pa ground muite experience drama rinenge richiita masai sai avo. It's an everyday thing unoneta nekutaura chinhu chmwechete pasina chagadzirwa. Masai sai eivava ndaka surrender.  


Solution 

Pese paunosangana nedambudziko munhu haushaiwe solution nema adjustments. Masai sai eava vekutanga ndakatosvipira mate kuti thu thu handitenge magigs ekuwanda. Ndotenga bundle re less than 100mb. Ndakatoita downgrade haisi mhosva yangu ndini ndadii ku cutter ma cost. 

Yapera kaa part 1 ndoziva kuti makawanda can relate kune iyi yekutanga ndichadzoka ne part 2 mazuva anotevera aya. Ndinenge ndichitaura masai sai echipiri.