Netone Yabvisa Zvekuti Off Peak On Peak

Netone Yabvisa Zvekuti Off Peak On Peak

Mazuva apfuura aya Netone yakabura mabhanduru manyowani kuma MoGigs avo. Vakaita introduce bhanduru re 30Gig richiita 30 yuwesi dollars nere 50Gig richiita 50 yuwesi dollars. Ma Mogigs ayo aya mabhanduru emayuwesi. Kumashure uku yanga yagara ine ma Mogigs e 2Gig, 5Gig, 8Gig ne 15Gig. 

Apa yagona ikazvibvisa zvaitomara munhu waigona kusarwa ne data re Off Peak rimwe racho rapera. Off Peak ndiro raitanga kushanda manheru na 10pm kusvika mangwana acho na 4am. On Peak ndoraishanda kubva kuma 4am kusvika kuma 9pm. Mapabata so apa zvakureva kuti munhu ukatenga 15 gig dzako dzinoshanda anytime zvisina limit. 

Yakutedzera Telecel ndiyo yega yanga yagara isina zvema limits pama bhanduru avo emayuwesi. I hope kuti Econet ichatedzerawo kubvisa zvima limits zvekuti Off peak On Peak pamabhanduru ayo emayuwesi vanhu tinyatsoshandisa data redu zvakanaka.