Telecel Yoyeuka Vagari VemuRuwa

Telecel Yoyeuka Vagari VemuRuwa

Makore apfuura aya Telecel yaitotyisa kutenga data rayo munharaunda yedu ye Ruwa iyi. Coz kwanga kusina kana 3G or 4G kwaingova ne 2G zvichidzika. Hapana zvawaiita kunze kwekungopinza ma WhatsApp messages. So basically kazhinji kacho Telecel yanga ingori yekungoita receive ma calls nema text. 

As time goes on vakazoita upgrade masai sai avo to 3G. Zvanga zvava naniwo zvekuti munhu wanga wakuita browse something online uchiona mavhidhiyo nekunyatsotaura nevadiwa zvakanaka. Yakatosvika panguva yekuti yainge yakutomhanya kupfuura mamwe masai sai iri pa 3G ipapo. Zvekuti chaitova chishamiso kwandiri. 

Zvisinei gore rino vatiyeuka nekuita introduce 4G munharaunda yedu ye Ruwa. Ma major developments tichaona kuti 4G yavo inenge yakamira sei. Vanenge vachida kubatidzirwa 4G yavo munobata team racho re Telecel.