Mazuvaano Netone Yakuita Zviri Naniwo

Mazuvaano Netone Yakuita Zviri Naniwo

Mavengero andanga ndaita Netone anga akanyanya coz yakambondirwadzisa kakawanda. Zvekuti ndakasvipira mate pasi kuti thuu thuu ndikairamwa kwemazi manzi. 

Waiti ukatenga bhanduru raigona kutadza kupera, kusvika paku expire magig achirimo uchitadza kumashandisa coz Internet yayo yanga yakadhakwa. 

Ukajusa airtime yaidyiwa out of bundle browsing yavo yanga yadhakwa. Kwozoti paye pairasika ma messages evanhu haa yakamboshuta mafirimu. 

Mazuva apfuura aya kumwe kwandaitemba nako kwaka ndirasisa zvekuti ndakango risker ndikatenga ka 10gig ke Netone. 

Ndakatoona kuti masai sai ayo akuto browser Internet zvakanaka. Ma videos akunyatsopleya futi. Wanga usingapleye ma videos kumashure uku isina kuita zvima pause pause. 

Haa it seems kuti upgrade yavaitaura paye yakushanda manje. I hope kuti zvicharamba zvakadaro hameno kana vamwe muri kuonawo some changes.