Musi Wandakabvarura Speaker Remuridzi

Musi Wandakabvarura Speaker Remuridzi

KaSummary Kenyaya

Ndakasiwa neumwe mfec so mumota make achida kunotenga something ma OK .So ndakasara ndichiplayer music but speaker yairira i1 ndakaridza anenge 4 masongs zvima hardcore.Zvekuti unonyasonzwa kuti speaker ikukosora apa. Ndakazonzwa zii kunodai hakuna chakarira kubaya  twuma buttons zii zii still. Ndakabva ndadzima radio yacho ndikabudawo mumota.Tabva tazodzoka tese ndakuita kunge ndisina chandrikuziya hangu.

Full Nyaya

Ndanga ndane time ndisati ndapinda tonaz eish lockdown yaisunga madhiri. Pa Mabvuku border post panga pasiri kupfuurika zvekumhanya maweeks abva aya. But haa zvakazorerutswa mbichana.Anyway back to nyaya.

Since lockdown yanga ya flexiwa pressure yekuma Zupco yanga yava tii.Ini zve pressure handizvifarire zviri nani kutsvaga ka private.Nhamo yekusaita mota iyi anyway ndaigodi ndozvaivapo and hazvichinjike anytime soon.Ndakatotsvaga munhu aipindira tonaz we private zuva iri.Ndika Linkirwa ne friend yangu.Mufesi wacho ainzi JT wandaka linkirwa.

Takatobva kuRuwa bho achiridza hake music yake iri calm ana Jah Prayzah nemamwe ma gospel. Tikanyatso crosser border re pa Mabvuku zvakanaka naka.Ndofunga gospel music yairira ndoyakakonzeresa kkk taifamba takachengetedzwa neMweya Mutsvene.

Ndakasvika tonaz bho bho ndikatenga twu stuff twandaida kutenga.After that ndobva ati akuda kupindira Mbare pane zvaiida kutenga.Ndikanzwa kuti Mbare ndobva ndatanga kufunga DJ Fantan.Ndanga ndisina option since ndiye anga ari muridzi wemota.

Speaker yairira yaive 1 then tasvika Mbare, akaparker mota pa OK paya abva abuda nephone yake.Pakabva pasara pasina chikurira coz aive aka connector bluetooth.So ini ndakazongoti rega ndimbonzwawo yangu music.

First track randakatanga kuridza raive ra Lady Saw ronzi Money Money. Zviya zvine zvinonzi zvima helmet song yekuti ichirira unonzwa speaker richiti grrr grrr bvvvrr.Second track raive ra Ice Cube ronzi Hello haa chii banger zvima Hiphop beats zvakudhara zviya ndikanzwa speaker rakuita kunge rine ma scratch so maskwiki skwiki.

Third track Nasty C ronzi No Respect haa rabva raita kakunyarra so bvaa raita futi ndikati ha roita.4th track SchoolBoyQ ronzi Gangster haa speaker ndiye zii kunodai nekudai hakuna chakarira.Ndakabva ndadzima radio yacho ndikabudawo tikazodzoka tese ndichiita kunge pasina chandirikuziya hangu.JT akangoona radio yati zii akangofungawo kuti hameno tambo dzadambuka. Takazongodzoka paden mumota muri zii zii.