Facebook Yabura MaEmojis Anorira

Facebook Yabura MaEmojis Anorira

Facebook yabura anonzi ma Soundmojis ma emojis anorira ku Facebook Messenger yavo iya. Ini nekuda zvinhu ndabva ndatomhanya ku Facebook Messenger ndichida kuona kuti ndezve shuwa here kkkk. Ndabva ndavhura ka messenger app ndikabaya pane ka icon ke emoji ke blue ako.

Pabva pabuda ma options mamwe akawanda ndobva ndabaya apo pandaisa ka circle zviri kuratidzwa nemascreenshots ari pazasi apa. Pabva pabuda twunhu twacho twuma Soundmojis. Ndabva ndasarudza ako ka drum. Kanga kachitorira haa vakosha. Vanoda kuzonzwa zvizere zvema  soundmojis aya munobaya apa.