Masai Sai eTelecel Obheuka [December 2023]

Masai Sai eTelecel Obheuka [December 2023]

Masai sai eTelecel haasi kunzwa mushe akurwara. Mazuva abva aya yakaisa notice mumastreets ichiti recharge system yayo haisi kuita. Zvichireva kuti vanhu havasi kukwanisa kujusa Airtime via ma scratch cards or electronically. Besides zverecharge system ma short codes ayo ekuita check airtime balance, kutenga bhanduru akushupa futi. 

Apa ini ndoyandinonyanya kushandisa atori ma1 ndakangochengeta ma airtime vouchers mu drawer asati ajuswa. Masai sai eTelecel dzimwe nzvimbo anonyatsobata mushe dzimwe nzvimbo haitomboite. 

Telecel ikufanirwa kuita serious panhau dzemasai sai kuti vakwikwidzane nemamwe ma players. Haifanirwe kuita zvinhu zvinogumburisa ma customers.

Ma engineers ayo anofanirwa kuita solve ma issues emasai sai nekukurumidza otherwise kambani inoramba ichiita loss ichiluza mari. Imari kaa iyi yairi kurasikirwa nayo ma customers achitadza kujusa nekutenga mabhanduru. I hope kuti ichakurumidza kugadzirisa dambudziko iri or else vanhu vanotiza vachienda kumwe.