From Gokwe To Glory 13

From Gokwe To Glory 13

Tisati tatanga toisa munamato wedu: “Mwari dai ma youths ose aenda kuno register kunovhota. Mwari dai maita kuti vhoti yema youths gore rinouya yashanda. Amen.”

Right, the year was 2018 and I was a Freshman ini hangu Shaddy mwana wa Vheronika. University haungodzidze academic stuff only, you get to have a chance to learn a lot about life and that was what I did. Paive neumwe musikana wandaida but ndaisasvikira. She was an amazing soul apa obva ati intelligence zvake. Kaiita law ini ndiriko hangu ku linguistics studies uko. 

Taive ma friends but semunhu aibva hake Gokwe ndaitya kuti ndikakanda shoko ndobva ndarambwa friendship yacho yotopera. I did everything I could kuti ndione smile yake. Ndaive what Shadhaya would call a ‘simp’. Iye anenge aitotora advantage hake because ainyatsoona kuti haaa tsano ava vakapusa. Kimmy aida kudyiwa nemunhu wese semombe yekwa Mudiwa. Asi inini ndaitoda genuine love chaiyo, iya yekuti musikana wako anenge achifamba ne Ka ring achinyebera munhu wese kuti muri engaged. Ndaitoda love iya yekuti ndinenge ndichito zikamwa kudhen kwavo iye achizikamwawo kwedu. But izvozvo zvaisaitika...

As you know 2018 ghetto repa Gweru rinonzi Senga rakambonetsa mvura, ndiro ghetto randaigara since I was leaving outside Campus residence. Mvura yainetsa zvekuti vanhu vaiita queue pa borehole kubva kuma 3am chaiko. Ma ghetto youths aive otoita mari nema slay queens vachiva tengesera bucket for USD$10 ukuwo ma blesser aive akutouya nema buckets emvura instead of ma buckets eku Chicken Inn. 

Ndaitamba nemupfana ainzi Dereck and taitoti every weekend totora ma buckets edu tono hire chi lorry or open truck tonotora mvura kuhama yavo yaigara ku Northlea. Rimwe day ndakafunga kuita zvivindi, I had nothing to lose. Ndakabva ndandorovera moyo padombo semunhu afunga kumira mu queue re ZUPCO ndobva ndatotora extra buckets ndichiitira Kimmy.

Believe it or not munhu aivigira bby mvura those days had more chances than munhu aiuya ne pizza. Pane vamwe blaz vakatomborambwa pa Valentine after vavigira bby ravo ma flowers, “Unofunga kuti ndinogeza nema flowers here Blessing. Ibva pano netumaruva twako, usadzoke futi” akadero hake Sharon after akumbira kuvigirwa mvura pa vale ndobva avigirwa ma flowers.

Anyways ndakabva ndatosenga ma buckets angu two ndakamarembedza paya ndichienda kumba kwairoja Kimmy. Uri mu road nema buckets wainzwa tuma slay queen tuchingoti ‘hey hie, hey hie’ pane chimwe chakabva chatonditi “Hey what’s your name, ende wakanaka semvura yako” that was how dire the situation was. Anyways ndakabva hangu ndatosvika padhen paya ndikaona pakamira rimwe zi Benz re Dark red sooooo haaa mota iyoyo yaive yakanaka. 

Since ndandajairana na Kimmy ndakangopinda ndisina kumbo Knocker. “Hey Kimmy I brought  some buckets of....” ndakadero ndisati ndasimudza musoro. Ndichisimudza musoro handina kuzopedza kutaura, Kimmy aive akagariswa pamakumbo apa anga akapfeka bum short. Uku zigomana raive nemazindebvu semakushe ehuku dzekwa Terry raive rakaisa ruoko rwaro pakati pemakumbo pake. 

Ndakanzwa sendinotsva Hama dzangu. Ndikanzwa hana yangu ichiti bhiii ndobva yamira kurova. Maoko akatadza kuisa ma buckets pasi ndakangoti tuzu ipapo ndisina reaction se Tweet ye small account. “You must be Shaddy, I’m Tom, thanks for taking care of my queen” rakadero zigomana Riya. Ndakafunga kumboenda kwaari ndomupa zimbama but ndakabva ndarangarira, gore randakambopa dhongi redu rainzi Matemba rainetsa zvisingaite mbama panzeve ndobva ragurika gumbo rekumasure.

Ndakaona mufesi uya achibuditsa 50 yuwesi ndobva andipa. I just looked at Kimmy neziso Riya rekuti: ‘ukuona iwe, ukuona ini.... Haaaa kudharaaaaaa’ ndakatenda like nothing happened and I Marched out. Ndichisvika pa dhen ndakasvika ndakafizuka. Ndikabva ndapa friend yangu Dereck 10 mari since iye aimbondibetsera kakawanda. 

Ndakaona Dereck achiuya nekabhodhoro ke Votda. Ini ndaive ndajaira hangu kumwa masese but zuva iroro ndakabva ndangoti if I die I die. Takadhakwa zvedu ndobva ndatanga kurondedzera story yangu paya. Haaa team Ra Dereck raive mu room rakabva randiseka big time. Vakabva vandisiya ndega ndobva ndasara ndakarara. After a while ndakanzwa knock, ndobva ndatoona Kimmy achiuya paya. Akabva agara pa bed pangu zvaaisamboita. “Thanks for bringing me water Shaddy” akabva adero hake achi noser. 

Mwana iyeye aito noser zvekuti wainzwa moyo uchitamba Cele mu rib cage yako. I pretended to be mad kuti afille guilty. She apologized ndobva ndatoita pretend kunge ndakatsamwa paya. Kakabva kaita mistake yekuisa face padhuze neni kachiti ‘ndati sorry...’ hameno ndakazvifunga sei but ndakabva ndangokapa kiss. She didn’t kiss back, haaa ndezve muma movie zviya, ndakabva ndapiwa rimwe zigwati rekuti nzeve dzarira kuti hwiiiiiiiiiii. She stood up and dashed out of the room. “Mai vangu Vheronika iweeeeeee” ndakabva ndadero hangu ndega ndichiziva kuti pamoto ndanga ndawira ini hangu Shaddy mwana wa Vheronika weku Gokwe....


To be continued...

From Gokwe To Glory 1 

From Gokwe To Glory 2 

From Gokwe To Glory 3

From Gokwe To Glory 4

From Gokwe To Glory 5

From Gokwe To Glory 6 

From Gokwe To Glory 7 

From Gokwe To Glory 8 

From Gokwe To Glory 9

From Gokwe To Glory 10

From Gokwe To Glory 11

From Gokwe To Glory 12