From Gokwe to Glory, short story...

From Gokwe to Glory, short story...

Guys handimbofe ndakakanganwa week iroro. February 12, 2018 ndipo ini zvangu Shaddy mwana wa Vheronika, yeah that was literally her name Vheronika. Anyway ndipo zvangu pandakaenda dhorobha for my tertiary education. Zita ndi Shadreck, asi rema bhebhi ndi Shaddy, obvious surname handimbofe ndataura but what I can tell you is ndakazvarirwa pa Gokwe apo, paNemangwe apo uchangodzika Mutimutema. That's where I grew up as well, ndikaita primary yangu ikoko and secondary. I know right kuti murikutoti kanyaya aka ndekekunyeba because ukadzidza Gokwe haupase zvekudero but its not entirely true. 

Ukadzidza Gokwe unopasa but anenge ari ma1 zvawo. I remember lesson redu re commerce our O’level teacher Mr Garomuparo had to bring us photographs of banks, retail shops, ATMs, cars, computers, singers, Ice-cream, pizza, trains, aeroplanes, cargo containers and vendors. Ko taizvizivira kupi zvese izvozvo. Tanga takuto ziva capital city yese nema images iwayo and because of that we did not become the typical Gokwe resident y’all think of, thank you Mr Garomuparo!

Right, anyway ndanga ndatsemura A level wena, kutoita ka 6 points in 3 subjects, kwakaitwa mabiko kwavashe ndikaurairwa mombe 7. Ndanga ndakutoda kupihwa mukadzi nekamwe kamdara kemuraini mangu but semunhu asiri backward ndakaramba. Vakomana mhere yandakaridza ndichiti handide mukadzi kaaaa, ndakamuka makuseni ndichinzwa musoro, on a serious note pasi nema early n forced marriages.

I was going to study for a certain degree or virtue muGweru imomo. Gweru ndaitoiziva big time since Mr Garomuparo brought us all the pics of streets emu CBD kubva kune ka bhawa kaya kepa rank kanonzi Wekars palace kusvika kune kamwe ka bhawa kari fancy sooo kanonzi Pabloz. Ndakakwira zvangu taxi ndakananga Nehosho. Ndichipinda muSenga high beautiful-girls populated suburb ndakaona zvishamiso. Kwaive ne type n type dzevanhu. Since anga ave manheru ndakabva ndambobuda mumba mandairoja ndikati ndimbosvika kuka freshmen party kaive mu Campus kaa.

Ndakabva ndapfeka bhutsu dzangu dzaive nezvima light soo dzandaka winner pa contest yekukama mombe yakaitwa nechimwe chi Non-governmental Organisation. Ndapinda mu tara ndikabva ndaita ma lights on ndikatanga kufamba ndichi glower se ma warning lights emote dze ZRP ndakananga ku party, ko ndaizivei zvangu…TO BE CONTINUED