Kupihwa Tsvodi Kwandakaitwa Nemusikana Wangu

Kupihwa Tsvodi Kwandakaitwa Nemusikana Wangu

Life is good munomboziya. Tanga taenda out kukamwe kanzvimbo kakapenga penga so. Apa ndanga ndiine babe mbama yanga iri first date chii chii. Food panga paine tuma nice nice ndikati kuna babe unoona chii enda unotora food ini ndogadzira ka spot kari nice. Kwanga kune tuma foldable chairs and tables. Ndini uyo ndatora ka foldable table kuda kudai kakuramba kuvhurika kuda kudai kakutondimakisa. Apa moziya ini ndiri expert ka zvekunzi dofo hazvisi mandiri. 

Ndamboedza maskiri skiri but ma ancestors anga achiri kunatira. Babe rabva raona kuti jahman vanenge vakuremerwa zvikanzi babe mira ndigadzirise. Ini nekusada kumakisika paya plus tu pride ndikati no mwanasikana. Unoona chii iwewe ita zvema stondido. Zvisinei katable kaya kabva kaita uku ndaingocheuka kuti hapana akundiona here ndichishungurudzwa nekanhu aka.

Ndabva ndawana ka good sport kane background munzwa ndikati yes yes nhasi tsvodi ndoipihwa plus ma picture ekuti mwana azokanda pa gram bho. Mwana adzoka apa ndanga ndakangomuyeva achifamba ndikati nechemumoyo, right apa ndakanhonga roro. Mwana achingonogara kudai nyaya mbiri nhatu masmile akusvika kunzeve. 

Pazomboita kamwe ka zii kaya ndikati hamuchiona dzawira mutswanda nhasi ndoita dzekukuya. Ndipo ndanzwa ndichizunzwa ndikati chaa chiizve. Ndokunzwa izwi rine uturu risina ushamwari kana ka softness mukati "egh jahman mukai muende kunogeza". Ndasvotwa...