Chamatsenga Nzungu Chandakapiwa Nemuridzi Wemunhu

Chamatsenga Nzungu Chandakapiwa Nemuridzi Wemunhu

Ndaitova hangu neteam  pabridge  tichiona tichitaura hedu nyaya dzebhora musi iwowo Barca yanga yadyiwa ne Real Madrid.Paitisanwa nharo apa ndichimwa maheu hangu, rimwe team richirova twumwe twuma drinks twunovavirira twandisinganzwisise.

So pakapfura nevamwe sisi so vanga vakabatana apa vanga vasina kurukwa. Ndakangoona boys rese rangoti ziii iniwo  bvandati zii.Tichingorova communication nemaziso kaa anenge ari ma signals ekuti wamuona here uyo.

Sisi vacho vaitofamba vachizvida kani zvekuti ini ndakangitiwo ava havasi veClass yangu vanga vari veku UpperClass chete coz vaiita kunge vakapfeka hembe dze Gold apa dzaipenyerera  takatopotsa taita mapofu.Anga akabatana musikana uyu ane ka short hair so.

Zuva rakabva radoka paye bvandati kune boiz ini ndakuenda kumba munongoziva kaa kuti ndagara ndine Curfew kaa apa ndeya 6pm .Vanhu vepaden vakaoma ndaigara mujeri chaimo ndaibatwa kunge kamwana keku high school ma rules acho ari strict.

Ndiri muroad muya bvandadhumana nemusikana uye wandaona pabridge neboys.Ndikabva ndaiita chivindi bvandamusvikira .Bvandamuti "ndakufananidza kaa iwe neumwe musikana ambopfuura nemunaNjiva pa corner apo." Zvikanzi "hooo apo" abva atanga kunyemwerera. Ndakamukumbira number kkk ndikadzipihwa, but ndanga ndisiri shuwa kuti ndedzake zvemashuwa here. Hatina kuzotaura zvakawanda takabva taita part ways.

Manheru acho ndobva ndamupindira inbox.  Tikatanga kutaura tese nyaya dzichinakidza nakidza haa ndikatoti zvakuita. Ma weeks akatofamba tichingotaura pa WhatsApp paya.Ndakatobatira kaa twuma feelings zvekuti ndakatomutumira CV but haana kunyatsopa clear reply. Ini ndakangoita assume kuti pamwe akumboda time yekufunga nezvazvo kkkk.

Ndanga ndatonyura murudo ini ndanga ndakutomuda musikana uyu big-time.Vhale yanga yapadhuze ndikati ndiri kuda kumurongera chi surprise pa Vale.Ndikagara ndatenga twunhu twacho kaa twekuzomufadza natwo patinosangana.

Then bvataronga kusangana pane kamwe ka restaurant so kepa Joina mutonaz.

Musiwe we vhale ndobva wasvika.Ndanga ndinemufaro wakapfurikidzisa.Ndakatoita number one kusvika pa site.Town yese yanga yakangozara ma couples eeh vanhu vanga vari murudo.  

Ndakambotanga ndakamumirira panze haa ndobva ndati regai ndimugarire mukati chaimo.Ndichingogara kudai l remembered kuti ndine twunhu twuya mu bag ndikati regai ndicheke ma settings kuona kuti twakarongedzwa bho here and also nekuti hatwuna kutsemuka here.

Ndanga ndatononokerwa, then l texted her kuti wapapi and she replied kuti akutosvika ava pana First paya.Nechemumoyo ndikangoti yaa zvangu zvakuda kuita. 

Pasina chinguva Ndakaona musikana uya achipinda mu restaurant ane mukomana waanga anaye ndobva vasvika pa table yandanga ndiri.

Bvatamhoresana paya ndinzwe musikana uya akuti "ndo boyfriend yangu iyi" ndobva atarisa kune mufesi uya ndobva ati "uyu ndiye Thulani uya wandaikuudza " achindinongedzera. Nechemumoyo ndakangoti mashura angu.

Nyaya dzakabva dzatanga kutsva paya zvikanzi nemufesi wacho "saka ndiwe hako wanga uchida munhu wangu" ndikati ehe ndini hangu .Apa dumbu ranga rakurira kuratidza kuti ndanga ndakunzwa nzara.

Ndobva ndamuti "ndiri kutomuda musikana wako iyeye dakukutorera." Ndaitongotiwo ma Jokes kaa ndichida kuona kuti anoita react sei. Munhu akaita hasha ndikabatwa Kolla eish ndobva ndapihwa chibhakera ndichinowira pa table yeimwe couple so. Apa vanhu vanga varimo mu restaurant vakungotipa ma weird looks vachingoti ndeipiko iri kuitika iyi.

Ndakangonzwa musikana uya akuti " imi musarwe kani Thaban iwe musiye uyu anga achitamba." Blaz vaye vanga vatovhura ziso vakuita kufemereka nehasha.Ndanga ndazviparira shuwa vasikana vevanhu havasi vekutamba nawo.Apa ini zvekurwa handizvigone ndakatoona kuti handipahwine apa.

Dzakabva ndandibata collar futi eish apa maziso angu anga atsvuka ndaitonzwa dzungu ipapo twumusodzi twapadhuze nekuda kubuda.Chibhakera chinorwadza vanhu,pakatozodedzwa security.Paakaona kuti security yakuuya akabva andisiya Kolla ini ndikati yes ndawana mukana wekupukunyuka kubva mukanwa meShumba ndakabva ndabudamo ndiri speed ndichimhanya ndakabata ka bag kangu  panga patoipa.

Ndakarwadziwa ini moyo wanga wakuita kubaya baya. Apa ka bag kandanga ndakaberaka kachirema futi makuita kunge mune matombo.Zvipo zvacho ndopandaizomupa here iye anga auuya nemunhu wake.

Ndobva ndatsvaga  zvekudya hangu ndichibva ndataimira makombi eRuwa epamushika shika muna Robert muya. Kubva ipapo handina kuzotaura nemwanasikana uya zvakatovharana.