Kurohwa Kwandakaitwa Mbama NaMemo

Kurohwa Kwandakaitwa Mbama NaMemo

So friend yangu yakauya paden ichida kunondiratidza bby rayo.Ndobva dzati since usina kupfeka Muti wako uyauya ndipo kaa ndikutonyara bby angazoti ndine bhutsu one.

Ndakabva ndatoti haa bhoo chibaba kubva ndikuzive ndoo pawatangawo kutaura zvine musoro apa,apa handinonoke ku planner ndakamuti “aah jahman muti unogara muroom ma Momz apa vayenda nema keys avo."

Bvaa dzatii “iii usadaro” bvandarova ka smile kekuti pfidza zvangu, ndichiti haa srs momz inobaya nema key uriwangu papi pacho.Bvaa ndati “haa stiri mdra makadiwa kudhara” ndakawona mukuru vachibvumirira bvaatarova pasi hedu.

Tiri muroad jahman vaingonditi “haaa mwana akanaka iyeye broo haa, vanhu vakurwadziwa neni zvisingaite aipa vanhu mabhutsu broo."

Niqqa was even showing me ma pics e bby racho ndakamuti ma pics ako anema filters aya plus and photoshop.. mira ndinozvionera.

Nechemumoyo ndichiti murambiwa vazodiwawo zvino.Bvatasvika paye kuroom kwe bby taka knocka kamunhu kakati ndikuuya mirai 2mins. Niqqa vangu vachiita kufara vachiti mira umuwone.

Ndanga ndamirira zvino kuwona kuti ndiyani akaita munyama wekuda murambiwa.Door rakabva ravhurwa nevamwe jahman vaivamo muroom imomo.Kwakutoti “eeh madii” ,vainge vachitodikitira chii chii vasina shirt.

Muface wangu akabvunza kuti ndoo mu room ma Memo here umu avakunyepera kuvhiringika zvino.Jahman vaye vakati “ehe ndimo murikudei”. Takanzwa kaa voice ke baby kachiti “ndianani bby” vari padoor.

Ini zii hangu semunhu asina kudya Chingwa.Niqqa vangu vakati “iwe Memo huya kuno izvozvi ndiyani uyu”.Memo kakabva kauya kakati “ndiwe ani koo iwe urikudey & have we met before?”

Kakubvunza muface wakene kuti variku tengesei koo vanhu ava.Ndoo pandakarova twu srs ndakati iwe wakufarisa imariyi short time.Ndakabva ndapihwa mbama ipapo ipapo na Memo.

Ka bby ngakarambe hanzi “aiyiwa iyo haisi face yangu ma edhita and futi iyo haisi handwriting yangu yepa app”.Takawona ma V11 kaa paye ehe zveshuwa pane ka chemistry kaitovapo pavanhu ava. Shuwa kaa kaive pa touchline zvekudaro.

Zimuface rebby ranga rava nehasha manje rave kuda zvehondo. Rikati “imi vapfana imi mukunyanyodei who the faki are yu”.Zimface rangu rakabva rangobuditsa ziku joker ipapo ipapo rakati “amana honai ma screenshots aya, ma texts ma selfie aya ne bby."

Muface we bby ndobva ati “guys let save dc once n for all in ndoraramira nzenza iyoyo”.Ndobva aiita ku slammer door rake zvake akati “regai ndirove round rechi 3 guys imimi itayi yamukuita”.

Mface wangu akangosara achingohukura achituka ma Vulga achi kika door zvake semunhu ange aine shungu dzakawandisa.Apera simba zvino akabva ati “haa Tudzaa ngatiyende paden vanhu ava ain’t loyal."