Master H na Voltz JT Vadonhedza Dhanzi

Ndaitoshaya kuti vanhu vari kungoti wanadem nawanadem mumastreets vazviwanepi. Ndazozviona kuti zvabva mucollabho Dhanzi ra Master H na Voltz JT. Vhidhiyo racho rakutopisa ku YouTube riri kutrender riri pa number 6 ne 101K ma views. Dhanzi chakaprojuswa naOskid chikadhairetwa ne Studio Art Pictures.

Choita kutambisa madhanzi vhidhiyo racho riri bho harirwadze kuona. Vakomana nevasikana vacho vakapfekedzwa bhutsu ne hembe nana Magic Wacho, Hatiperi. Mukomana wekundidya pamubairo wema TwimbosChoice Awards Bhutsu aka Magic Wacho,  handisati ndamuregerera ndichine chigumbu inyaya yerimwe zuva. 

Aka ndekekutanga kangu kutaura nezva Master H zvaatori muimbi anopisa anechipo chekuimba. Mazuva aabva aya akabudikira mu Gore Remix iri kupisa mazuvaano. Kuimba zvinhu zviri natural kwaari. Ndichapota ndichitaura nezvake pamberi apa. Vanhu vanogona kuimba vanonakidza kutaura nezvavo munhu unobva wanzwa manyuku nyuku. 

Vhidhiyo rake Mwari Vakanaka richiri kupisa  riri pa number 8 ku YouTube uko apa rane 12 days rabuda. Zviri Mumoyo yane 3 weeks yabuda inobata bata  ikunetsa iri pa number 41. Anopisa mukomana ngaarambe achibuda mangoma nema collabs hobho. 

 

Update (10 January)

Vhidhiyo riya redhanzi rapindira pa number 1. Zviri kubuda pamufananidzo uri pazasi apa.