Farmhut Iya Yabura Katokoloshi Kevarimi

Farmhut Iya Yabura Katokoloshi Kevarimi
Farmhut Iya Yabura Katokoloshi Kevarimi

Vanhu vese vakutoda kuziva kuti chii chinombonzi Farmhut.

So Farmhut it's an agriculture startup ikubatsira varimi vakawanda wanda pakuvavhurira ma opportunities ekuwana ma markets,funding,kuvapa ruzivo rwakasiyana siyana nemamwe ma  services akawanda wanda.

Kumastreets uko vakuita ma initiatives akawanda recently pane inonzi  #ChatAboutFarming apo panenge pachiitwa ma discussions akawanda wanda anoenderana nezvekurima rima.

Apa vakahwinha mazi awards akati wandei 

1. Founders’ Live 

2. 4H Entrepreneurship Award

3. Green EnterPrize Award

4. University Startup World Cup

5. Africa Cup

6. Millercenter for Social Entrepreneurship(1/17)

7. Hult Prize (out of 300 000 to 30)

Mmmm akawandisa 

Iyo yapera kaa iyo makuziva kaa kuti vanoita nezvei.Now ndakupinda munyaya chaiyo chaiyo yanhasi.

Vazviita vakare futi vanhu vaye ve Farmhut vagadzira Katokoloshi Kevarimi ka Chatbot kanonzi uMudhumeni. Zita rako richibva paword rekuti mudhumeni an agricultural officer. So tinenge tichikwanisa kutaura nako pa WhatsApp kachitipa information inoenderana nezve kurima. Haa Varimi apa vapinda vachabatsirikana.

Mukuru wacho had this to say regarding uMudhumeni.

Vanenge vachizoda kutaura nako ka Chatbot mokabata pa number idzi 0736312503 kana kubaya pano(click here).Munhu unongokatanga nekuti Start, Hi or any other greeting yawada.

Ndaitawo rombo rakanaka ndakwanisawo kuita test ka Chatbot aka.Ma Pics ari pazasi apa achakuratidzai ma options aripo nema inputs mamwe andanga ndichiisa ndichirovawo ma 1 2 testing.

From ma options aripo ayo munhu unokwanisa kutopindira ka course kako ke farming nyore nyore nekungoya ma numbers wotoita register ipapo ipapo.

Vaya vanenge vasina data rekubaya paGoogle. Vanokwanisa also kunzwa nhau dzinoenderana nezvekurima pavanobaya ka option ke news, vamwe vachikwanisa kuona ma market prices ezvirimwa.

Vanenge vachitsvagawo ma Agronomist vanovawana futi ipapa.Ndidzo kaa nyanzvi dzacho dzinoona nezve zvirimwa neivhu. Saka varimi vanenge vapinda apa. 

Aarg ndaneta ndakungoti ga ga ga.

Yaa mazvionera kaa vanhu vacho vakufamba ne technology. Tichaona kuti vachabura zvimwe zvipi pamberi apa.More review ichazouuya yeKatokoloshi kavo aka pamazuva anotevera, so far zvichiri bho.

Vanenge vachizoda kunzwa more info munovabata pama socials avo aya pa Facebook neTwitter .