Midzimu payakandipa chironda ndichitsvaga basa

Midzimu payakandipa chironda ndichitsvaga basa

Zvema interviews hazvisi zvangu last time yandaendako ndakaona rima ndigotanga kurova ma tongues. Zvekuti hapana zvakazobudirira. This time zvanga zviri worse ndakatoita zvekudzingwa kunzi ibva pano. 

Got another call from this person anozviti Susan. Achiti ndozouuya ku interview zuva raizotevera na 8am. Ndakaita chipiti piti kuwacha ka suit kangu kanga kane dust. 

Day reinterview rasvika ndamukira kubva paden paRuwa ndaka dresser nice nice nekunhuwirira bho bho. Ndainge ndapfaya pfaya kamwe ka perfume kandanga ndatenga kwaTerry. Kana step yakatombochinja musi wacho ndaiita kamwe kakuzvi feeler so kuita kunge munhu ari untouchable.

Ndaita number one kusvika pakambani iya yandanga ndadaidzirwa interview. Pasina chinguva pakabva pasvika vamwewo blaz vaitoratidza kuti vanga vafambira nyaya dzimwe chete. Tikatanga kusasa nyaya maringe nezviri kuitika mazuvaano. 

Pasina chinguva takanzi pindai ndobva tasvika pa reception tikanzi pindai muimwe waiting room yanga yakanaka ne masofa matepfe tepfe kuita kunge muhotera. They were very nice tikaunzirwa ma biscuits nema drinks kuita kunge tiri mu restaurant. 

Ndanga ndakutorova twuma imagination ndichitoti heish ndikatanga kushanda pano. Ndinenge ndapinda machena vanobata vanhu zvakanaka kudaiso. I was so happy, ka excitement kacho kanga kawedzera. 

Zvisinei semunhu anga abva kusina magetsi ndikati regai ndiise foni yangu pa charger. Imbofanopinda moto ndakamirira mukana wangu wekupinda mu interview room. I had my charger with me,  so I tried to plug on the socket anga ari ipapo chabva chaputika chikatsva magetsi e building rese akabva adhinguka. Ndabva ndakandwa ne security panze hanzi wakutouraya already. 

Zvakaoma ndakangoti munyama wangu uya. Handina kuzowana mukana wekupinda mu interview room muya. Such is life .... 

 

Interview Yebasa Yandakaona Rima