Zvakashatira Kupfimba Mubhazi

From Gokwe to Glory cross-written story

Zvakashatira Kupfimba Mubhazi

Gore raive 2018 ini hangu Shaddy mwana wa Vheronika ndaive ndakaronga rwendo rwangu rwekuenda Gweru ku university ndichibva Gokwe. Taikwira mabhazi na 2am saka waitorara pa bust stop imwe so yainzi Pamuraravaroyi nenyaya yekuti hakuna aibatwa nehope kana ari normal since paityisa zvisingaite. 

Rimwe gore pane mfes akamboenda pachitsiga chaive near that bus stop achida ku lighter mudzanga ndobva chitsiga chiya chati “Nhai Shamwari zvaukundi baya baya ndambokudenhawo here?” anyways musi iwowo bus rakakurumidza kuuya ndobva ndatokwira hangu paya.

Ndaive pa seat riya rogarwa nevanhu 2. Takubhadhara ma tickets ndakabva ndangoona rimwe bhebhi raive rakagara nevamwe mother soo. Haaaa babe iroro rarakanaka boys. Ndakatarisa ndichivhundukira sooo ndobva rango smiler paya. 

Ma lights emu bhazi akabva adzimwa ndobva rima ratoti zviii kuzara. Ndakati plan ndeipi manje, ndakabva ndato tora ka bhepa ne pen ndikabva ndanyora number dzangu pa phone and the text: HIE I'M SHADDY, TEXT ME. ndakabva ndapa moms yairi pa side pe bby riya since ndandisiri kusvikira kwaaive. Hana yakabva yatanga kupisa se song iya inonzi Kujata jata, mudumbu ukatanga kurira. Moms iya yakabva yatotaurira mudenga kuti munhu wese anzwe, “Iwe Lydia, pane chimukomana chakunyorera chitsamba hameno chineyi tora chitsamba chacho” vakomana kaaaaaaaa ndakanzwa bus rese richiti bvuuuuu kusekaa. 

Kamwe kamudhara kaive kumasure kwebhazi kakabva katopindira nyaya yacho, “Haaa vana vamazuva ano hamuna matyira, mukatonyengana mubhazi shuwa.” nekuonererwa Ka bby kaya kakabva kasunga face ndobva katirisa back kwandaive, “bhudhi imi mundikwanire, hamunyarewo kundinyadzisa Pana Tete vangu shuwa” ndakamboda kuti ndipe bepa re number dzangu asi zvakaramba. Ndakanzwa mate achipera mumuromo ndikatanga kunzwa sendinotsva ndobva ndatonyebedzera kurara. 

Kwachena kwave kuzvi 6 uko ndaingoona bhazi rese richinditarisa vachida kuona face yangu haaa day iroro ndakanyara vakomana. Bhazi rakasvika pa Kudzanai bus terminus mu Gweru kuma 9am. Vanhu vese vakati dzvamu kuburuka asi ini ndakaramba ndakagara hangu. Vanhu vese vapera kuburuka ndakabva ndaenda pasi pe seat paive pakagara musikana uya ndichitsvaga number dzangu.

Ndakadzishaya, ndakabva ndatanga kufamba seat by seat ndichitsvaga. Ndashaya ndakabva ndatogara hangu mu bhazi ndakasuwa suwa. After some time ndakabva ndanzwa text message ichipinda: HIE SHADDY, ITS LYDIA. WAUCHIDEI. Haaaa ndakabva ndafara vakomana partly because number dzadzisina kutorwa nemunhu asiri iye. The rest is history, you can read that history pa From Gokwe To Glory 1.

From Gokwe To Glory 2 

From Gokwe To Glory 3

From Gokwe To Glory 4

From Gokwe To Glory 5

From Gokwe To Glory 6 

From Gokwe To Glory 7 

From Gokwe To Glory 8 

From Gokwe To Glory 9