Misikanzwa Yandaiita Ndiri Mupfana 1

Misikanzwa Yandaiita Ndiri Mupfana 1
Pic ra @collenmbiwabo

Moziva madays aye akambonetsa Telecel ichinzi mango mango something. Ma days iwayo yaipisa. Mudhara anga ane imwe foni so chi Motorola chidhinha. Chaingondinakidza kutarisa haha. Anyway ndakutaura nyaya yangu iyi inobhowa.

Ndiri mupfana (kuPrimary) ndakambotora foni yamudhara ndikatumira same text message kuma contacts ese anga ari mufoni yamudhara. Yekuti " l love you ".  Pakaitika drama week iroro. 

Mudhara akapinda busy week iroro. Achi trya kupa ma explanations kuvanhu kuti, mwana anga atambisa foni akatumira ma messages. Ko ini ndaigozivei ndaitoona kunge zvainakidza zvandainge ndaiita. 

Mafriends, familiy members nevanhu vekubasa vainge vakutofona vachiti ko iyi ndeipiko iyi yakuitika. Ndofunga ma relationships evamwe vanhu akatombozunguzwa.

Handina kuzombozvipamha futi coz ndakarohwa naMomz zvekuti vaita kunditandanisa ndichitenderera navo ne yard vachindirova neshamhu, bhutsu etc. 

Now ndakura manje ndakutoona kuti ndakapinza mudhara pama1. Nyaya iyoyo havasati vaitaura nanhasi kubva pazvakaiitika. Ndichavayeuchidza kana ndikazofarisa ha ha.