Ngano Dzemu 21st Century na Uncle Jimmy: Bombi na Fombi

Ngano Dzemu 21st Century na Uncle Jimmy: Bombi na Fombi

Makare kare Blackberry ichiri nembiri se iphone 13, vakadzi vachiri kubleacher ne vanishing cream, paive nembwa mbiri dzemu Gweru dzainzi Bombi na Fombi. Bombi aive imbwa yemurungu, saka aive kamu salad salad achigara zvake kuma dhewu-dhewu. Fombi manje aitove ghetto youth raizvimirira, anga asina muridzi saka aingo hustler hustler muma streets kuti awane chekudya.

Rimwe zuva Fombi aive akarara zvake paside peroad ku Mkoba 12 uko, aive achitorota hake achidya pizza saka aitobuda masiriri. Manje Police yaive ichidzingirira Quantum yaibva town, mufesi we Quantum akabva atora ka road kekugurira kaive kakarara Fombi. Kombi yakabva yango mhanya pamusoro pa Fombi ichimuisa mumateya emavhiri. Haaaa achiona izvi Fombi akabva apera power, akabva aona zvakakoshera upenyu pamwe chete nehushamwari ndokubva chiriporipotyo afunga sahwira wake.

Fombi akabva agurira nepa Bristol apo akananga ku Kopje, uko kwaive kumadhewu dhewu. Ava mu park akabva atsemurwa ne nzara, akaona Tapiwa na Netsai avo vaive zvavo mu park vachiita zve rudo. Pakati pavo paive neka 4 piecer keku Nandos. Tapiwa aibva atora chip one onyemudzira Netsai, iye Netsai achingosekerera asi rute ruchibuda. Achiona izvi Fombi akangoti nechemumoyo Dhemeti, ndokubva afamba akananga couple iya isingamuone.

Akabva anoti koso-koso zvake akabva asvipira kabhonzo ke nyama mu Nandos. Netsai akabva afinyamisa kumeso ndokuti “Ew so gross” neka voice Ka Rihanna. Tapiwa akapererwa, anga ato sacrifice mari ye transport kuti atenge Nandos. Akambofunga kutora chitinha kuti ateme Fombi, asi mudiwa wake akabva ati, “Babe, look at that dog, it’s sooooo skinny. Shame inenzara hatiisiye hedu idye. I wish dai taipa zvimwe yadya.” Tapiwa akapererwa ne pfungwa dzemudiwa wepamoyo wake. Akangozhinya zhinya asi nechemumoyo ainzwa seanotsva. 

Vaviri Ava vakabva vasimuka ndokuenda havo vachisiya Fombi achizviuraya hake ne Nandos. Fombi akabva asimudzira rwendo rwake akananga ku Kopjie, achisvika pa gate Ra Bombi akabva atanga kuhukura. Bombi achinzwa izvi akabva amhanya zi speed akananga pa gate achida kuona munhu aimudenha seizvi. Ava padhuze kuumburidza Fombi Bombi akabva ati ma brakes skriiiiiii ndokutarisa zvine mufaro.

“Hesi kani Fombi, hindava kuonda se chingwa Che 50cents sooo?” akadero Bombi achisvedera Kure na Fombi uyo aitonhuwa zvake. “Ndiriko shamwari ko zvii zvawakaitwa mumusoro izvi?” akabvunza Fombi. Bombi achinzwa izvi akabva anyemwerera ndokuita ka pose kaya kanoitwa nema bodybuilders vachiita show off yezvidzva. “inonzi French cut Sahwira, muridzi wangu akandigera, zvakanaka kaaa?” Fombi akanyara kuudza sahwira wake kuti zvaaive nazvo mumusoro zvaisaita kumbwa asi akabva anyarara. “Ko kuonda seizvi hindava nhai Sahwira?” akabvunza Bombi.

Fombi akabva ataura maomero anga akaita hupenyu pa Ghetto, matambudziko anga amuwira nezvese zvaimunetsa. Akabva ataura kuti aizoda kuitawo muridzi kuti awane chikafu chakanaka sechaiwana sahwira wake. “hapana chakaipa apa Shamwari, muridzi wangu murungu anofarira imbwa, I’m sure achakutora hendei hedu” akadero Bombi achitungamira nzira. “Hezvoooo!” akadeedzera Fombi achivhunduka sa Rasta vamona Mbanje vakanganwa kuti vari mucharge office. “Zvadiiko Sahwira” Bombi akabvunza. Fombi anga aona kuti Bombi anga akagurwa muswe pamwe chete nekuve castrated. 

Bombi akabva aziva nyaya yacho achizama ku simbisa sahwira wake, “Hazvirwadze izvi sahwira, zvoita kuti ndisimbe uye ndisafunge zvema bhebhi stereki” Bombi achipedza kutaura izvi Fombi anga atopeta muswe achimhanya kupfuura Usain Bolt. “Zviri nani kugara nenhamo yangu ndine Freedom!” Akasheedzera asingacheuke. Ndipo pakaperera sarungano.