Kupindira Joni First Time

Kupindira Joni First Time

Ndakati ndafunga rwedo rwekuenda Joni.
Ndini uyo ndakaenda kuMbare ndikanotenga changani bag rangu netumwe tunhu twekutsengerera. Ndapedza nezve kumbare ndakapindira paden pedu pa waterfalls apa.

This was in December 2008 ndaitova nemufaro kuti ndavakuenda kuJoni. Mazuva iwayo zvinhu zvanga zvisina kumira mushe kumba anga ari ma1. Panga pasina plan but zvaitoda kuti ndimbo buda ndimboonawo dzimwe nzvimbo. Momz yaiva paJoni apa ndiyo yakabva yanditengera ticket haa ndakanzwa manyuku nyuku ndichiti zvangu zvaitana.

Team rangu rakanga rakutondisuwa ndisati ndatomboenda. Kuzoona 14 December asvika ndanga ndatonokerwa. Musikana wangu ndakamutipira about the Journey akangoti  achandimirira kusvika ndadzoka ndakangoti aaaah hameno nechemumoyo. Kazhinji kacho ikangoita long distance relationship zvinobva zvadhakwa but haa apa takangosimbisana.

Wakasvika musi wekubaya ndaifara zvese nekusuwa. Ndakaperekedzwa nevanhu vepaden kusvika pano kwirirwa mabhazi acho pa Mbudzi roundabout. Hatina kumbotora nguva koo panga pari padhuze nepaden. Ndakapinda mu bhazi rimwe so ranga riri double cap ndakadya window. 

Yakasvika nguva yekusimuka ndikatanga kubhabhaisa vanhu vepaden. Panguva iyoyo misodzi yanga iri padhuze eish the feeling yairwadza. Zvabva zvandifungidza ma days andaiperekedzwa ku boarding xul pavanenge vakudzokera kumba vanhu vepaden vachikusiya so, feeling yacho ma1 munhu wainzwa kuda kuchema . 

Takasumaka kuma 12 dzemasikati , apa ndaive ndakapfekawo hembe dzaionerekarawo. Zvekuti conductor akatombokanda kacomment  kekuti "mfana wakapedzera smart", hameno pamwe aifunga kuti ndopandaizobuditsa mari yakawanda here nekupa ka compliment. Paside pangu panga pane umwe musikana mutema so anga akanaka. Nyaya dzikatanga kutsva nemusikana uya zvekuti ndakatopihwa number.

Bhazi raifamba iroro pasina chinguva tanga tatobata chivhu. Apa nyaya dzaitsva nemusikana wandanga ndaka gara naye pa side takutoita kunge vanhu vagara vachizivana. Takatenga chicken inn  ndikamutengerawo fanta kuti zvidzike zvakanaka paya. Takangomira pa Chivhu kwenguva pfupi tobva tasimudzira naro rwendo. Zuva(Sun) rikatosvika pakutizawo tiri munzira.

Kunze kwakatoedza tiri muroad , then kuma 10am takabva tasvika paborder re Beitbridge,wanga wamusi wa15 December. Takatombomira zve two hours takamirira clearance. Vanhu vacho ve BRCA (Beitbridge Revenue Clearance Authority)  vaingoitawo zvinobhowa kunanaira kwanga kwakanyanya. 

Tichingo crosser border madriver akabva achinjana umwe anga akumbozororawo. Since yanga iri first time kupindira SA kabhebhi kaya ndokaindiudza zvakawanda ma do's and don'ts. Manakiro akaita SA ndakazvionera pamhino sefodya. Ma roads ayo anopindana pinda achipesana pesana ndakatomaonerawo ikoko. Hapana kana pothole one randakaona. Ndakanzwa kunyara nekwandanga ndabva.

So vamwe vanhu vakaburukira muMusina vamwe vakaburukira mu Pretoria vazhinji. Musikana uya wandaive ndakagara naye takamusiya muJoburg. Asati abuda mubhazi akandipa hug neka kiss padama mmm maziso angu akabva atsvuka kuita kunge munhu anga achichema. 

Takaita dzimwe 2 days tiri mu road tava muBloemfointein takabva tadzurukira paimwe KFC so timborova twuma eats and refreshments. Nzara yandainge ndakunzwa ipapo yaitoda sadza. Ndabva ndabuditsa 100 Rands semunhu akanga asingazive zvoshanda sey nabva ndasvikoti "how are you, do you sell sadza?"

She looked at me and say "what is that sir"
I think she immediately knew I wasn't from South Africa. I pointed on the Menu Board saying  "I want that" luckily the person next to the lady akanzwisisa zvandaida. This Lady didn't look like a Zimbabwean 
akabva ati "sorry hanzvadzi Sadza ronzi (Pap) muno muMzansi."

Ndakazviseka nekufara ndaitofunga kuti handimbowane muZimba mukentucky. Akatozondi sevha chikafu chacho ndakazongoti keep  change my sister. Ndaitofunga kuti sadza racho ndoredu riya ratajaira zvakaoma vanhu vamwari porridge rekwani rakaiswa cooking oil. Semunhu aiva nenzara yesadza ndakaridya rese.

Tichingosimuka kubva pashop mudumbu mangu makabva matanga kurira. Mazisoup andanga ndadya anga akukonzeresa twuma tectonic movements kundirwarisa. Zvechirungu izvi ndanga ndisina kuzvijaira ndakatadza kuwirirana nazvo. Ndakangoti driver mira wangu ndimboenda kuimba huru. Mudumbu makandirova  kusvika ndasvika kwandaida kusvika. My Journey to Capetown ranga riri one randisingakanganwe.