From Gokwe To Glory 7

From Gokwe To Glory 7

The year was 2018, and I was a freshman ini hangu Shaddy wekuGokwe. University is all about peer pressure, and peer pressure in all its negative and positive forms is a way of learning. It is an informal way of gaining knowledge and life skills first hand. Ko pane chandaiziva here. I thought university was all about drinking and participating in horizontal gymnastics kkkkkkkkkk. Anyway ini hangu Shaddy nekuda zvinhu I went kumba kwa sisi vaya vainzi Rue (READ FROM GOKWE TO GLORY 6). Ndisina kana ma months pa nyuvhesiti ndanga ndatochinja and I knew it.

Pane anga achaziva kuti ndini here Shaddy uya ayiyenda kuchimbuzi nemashizha emuzeze kana guri rechibage rakaoma. Shaddy uya aikwesha mazino nechitanda chemu gum tree or aisunga trousers ne gavi. Ndakabva ndatopinda padhen mu room ma Rue nemazi confidence wena. Aigara zvake mugomo kune vaya vasingazive that place yemuGweru ndikureva area inonzi Kopje, ndeye ngweshengweshe ne mbinga. 

Rue ayigara ku cottage, but to my surprise cottage yeku Kopje yakaita se Full house yepa Waterfalls apo. Rue anga asina kunaka sana Kim but anga ane skin iri smooth apa aitonhuwirira. Anenge aitove zvake kamwana kembinga, ndakabva ndato follower ma tricks ana Dereck eku Harare ekutsoma tuma bby  tune mari. Anga asina kana nyadzi, ndoma bby aya amunoti ane forwad. Mwana akangondisandudzira pachi single bed chake ndokutanga kundi kisser.

Ndakambofunga kuti pa Gokwe apo ndakadyiswa mushonga ndisingazive becoz mwana aiita senge akupenga. As usual handisi kuzoenda into detail pane zvakaitika because platform inoyi haindibvumidze kutaura saka ndichasiya imagination dzenyu dzichiita basa. Door rakanzi GUGUGUGUGUGU zvine hasha. Mwana akaita busy apa akungobuda ziya. Akangonditora ndobva anditi mu closet Njooooooo ndokuti raira. , “Shaa you have to be as silent segonzo rakafa, my dad mu C Number and vakakubata urimuno hazvizopere mushe.” 

Varume kaaa, varume kaaaa ndopaunoona kuti hauna kungwara zvechokadi. Ndakadongorera through the hole ye key ndikaona ndimba ndimba yayakazara mazi tattoo. Zveshuwawo murume iyeye aivewo age yababa vaRUE. Ndakanzwa kuti kuchu kuchu kuchu ndikaona achibvisa pfuti from a holster ndokuikanda pachi drawer chaive pa side pe bed, akabva abata Rue kunge chi toy ndokumudonzera kwaari asati amupa zi kiss, yuwi ko yaitove boyfriend not baba vake, MAI VANGU VHERONIKAAAA IWEEEEE. 

Ipapo ndakabva ndatoziva kuti ma1 aya anga atanga. Ndakatsinzina ndikatanga kurova kamunamato aka, “Mwari Baba, ndinouya kwamuri ndiri mu closet yemunhu wandisingazive. Makandiyambutsa pandaida kurumwa nengwena munaSasame ku Gokwe, mukandiraramisa pandakadonha kubva muMuuyu ndikarovera paruware. Mwari makandiyambutsa zvekare pandakatiza mugarden raVaChibveni pavakatibata tichiba ma orange vakatanga kutifura nerekeni. Mwari mukandiyambutsa apa handizofe ndakaita musikanzwa futi. Handimbozvipamhe futi oooo ndobheja na mai vangu VHERONIKA, handizombofe ndaka cheater mukadzi wamuchandipa ndikabuda apa. Infact mukandiburitsa apa handichaite zvevasikana kusvika ndazo graduate. Ingoitai ndibude ndiri mupenyu panyaya iyi. Amen.”

Eight dzemanheru dzakachaya ndiri mu closet apa nzara yayaruma, zirume riya raingorova haro Jack Daniels richitamba chikudo na Rue uyo aitodya hake pizza. Haaa pizza inonhuwirira zvayo, floor ye closet yese yayangove mvura sezvo rute rwaingochururuka. Hope dzakabva dzatobata paya, ndakazonzwa ndomutswa na Rue, “iweee, iweee unopenga here, ukutorara hako. Ko ukaridza magwiriri uri imomo unoita sei. Chibuda urove pasi. Ukabatwa hamheno hako.” 

Ndakabva ndavhomoka ndichirova speed inotyisa. Ndakagurira mugomo muya ndikati tande 3 kilometres ndakananga kuSenga. Ndasvika mu Senga ndangandaneta, so ndandofamba neka step kaya kekuma Olympics ke walking race. Mamwe ma bby anga akadhakwa aida kundi hugger ndikaridza mhere inotyisa. Road yese yakangoseka ichoshaya kuti munhu uyu ibenzi here. Ndichisvika ndakapfugama ndikatanga kunamata. 

Landlord vangu vakatombouya kuzotarira kuti ko chiii chaive chaitika. Takabva tanamata tese nemukadzi wavo. Vachibuda mu room mangu ndakabva ndatora phone yangu ndobva ndafonera vabereki. Ngrrrrrr “hello mwanangu nhasi wafona kwakanaka here” “Kwakanaka mhai ndati ndikuudzei kuti ndinokudai mwari varambe vachikuchengetai” paphone pakambonyararwa kuti ziiiiiii ndakabva ndanzwa ku background moms ichitaura…”Nhai Baba Shaddy! Imi baba Shadreck, huyai mutaure nemwana wenyu uyu zvaanotaura hazvinzwike anenge arova mbanje uyu...” 

Vakazvishaya kuti Shaddy chaiye kutaura zvakadai kwakanaka here, ndakabva ndangokata phone ndobva ndarara hangu apa mudumbu muchirira nzara… 

TO BE CONTINUED

From Gokwe To Glory 1 

From Gokwe To Glory 2 

From Gokwe To Glory 3

From Gokwe To Glory 4

From Gokwe To Glory 5

From Gokwe To Glory 6