Tahwinawo Pane Ndimba Ndimba

Tahwinawo Pane Ndimba Ndimba

Pandamuka makuseni ano foni yangu yanga yakazara nemazi notifications.Pandazopinda online ndopandaona eeh eeh zvaari mashura. Kuona blog rino rahwina mubairo pama ZimBlogAwards.

Ndatomboti pamwe ndiri kukanganisa kuona kaa bvandambo zvirova kambama nekuzvidira twumvura kumeso, thinking kuti pamwe ndiri kurota.Ndanga ndisingambozvifungire kuti twunyaya twuri kuno twungawanewo mubairo but eeh zvatoitika.

Zvekunyora twunyaya twusina basa utwu zvakatangira pakunyora ma threads ku Twirra (Twitter) now zvava kuno.So nyaya dzese dziri kuno ndodzitora sema twitter threads akangobatanidzwa kuitwa chinhu one.

Ini ndoda kutenda vese vakaita kuti blog rino rikwanewo pane ndimba ndimba nekurivhotera also zvazoita kuti riwane mubairo.Kunyanya realTapsay akaita kuti blog rino rinakirirewo nema renovations aakaita, nevaenzi(featured guests) vaiuyawo netwunyaya twunonakidza.I hope kuti pa future pachauuyawo vaenzi vakawanda.Zvinhu zvacho zvinotoda teamwork kuti zvibudirire.

Vanenge vachizoda kuona full list revamwe vahwina pama ZimBlogAwards munobaya pazasi apa.

Zim Blog Awards (2021): Full List Of Winners