Zvichemo

Zvichemo

Ndanga ndane time ndakachichengeta ichi ndichizeza kuchikanda kuno. Nhasi ndazozvipira kuchikanda zvanyanya ndaiti pamwe vachachinja hunhu vanhu vacho. Manje eeh vanongoramba vachingodaro. Apa munhu unenge wavapa mari through kutenga data ne airtime dzavo. Zviri pazasi apa ndozvandakaitwa or zvandichiri kuitwa nevanhu vemasai sai. Havagone kutamba nevamwe zvakanaka. 

1) Kunonoka Kupindura Zvichemo

Vese zvavo ndozvavanoita havakurumidze kupindura. Message inotozopindurwa after ma days or mazi hours apa munhu unenge uri pa emergency. Pamwe unotozopindurwa munhu wavapopotera mumastreets.Vanenge vakunyara kaa vobva vazokupindura zviri delayed.

2) Kutadza Kugadzirisa Zvichemo

Munhu unoramba uchidzokorodza same thing kuti ndine dambudziko rakadai dai. Vobva vati ehe tichapagadzirisa haiwawo hapana kana zvavanozoita munhu unongoramba une chichemo chimwe chete. Network inongoramba ichidzima dzima chete. 

3) Kusatombopindura Zvichemo 

Vamwe vacho havatombopindure zvachose. Unotoona kuti message iyi yaverengwa but hapana anoipindura. Kuita kupihwa ma blueticks kaa uku zvinorwadza. 

4) Kubloka Vanhu 

Kkkk ndakatombo blokwa ka 2 kuma different Telecoms. Ndikazoitwa unblocked ndasvitsa nyaya dzacho kuma managers acho. Vanobata rough vanhu ava. Ukaramba uchipa zvichemo haa vanokuvharira panze. Vanenge vakutoona kunge vakunetswa. 

5) Kupindura Rough

Vamwe vacho ndovanokupindura rabha (rough) .Vanhu kana vane stress dzekudzimba dzavo ngavasapedzere kwatiri vamwe tinongodawo good service ne good care.

Vakundishungurudza vanhu ava ndabvuma defeat ini kubva nhasi handichavatumire kana message. Zvakatonaka zviri good pahutano hwangu vanokonzeresa BP. Chandongokumbirawo ndechekuti kkk vagadzirise masai sai avo chete ave stable.