Musi Wandakarwa Nemuroyi Manheru

Musi wandakarwa nemuroyi

Musi Wandakarwa Nemuroyi Manheru
mbashto
Musi Wandakarwa Nemuroyi Manheru

Munhu uri mwana so unenge usina basa nezvakawanda.Kana zvekuti life yakaoma sei unenge usingazvione chako munhu kutamba.

Anyway back to nyaya.

Zuva racho iroro vanhu vakakurumidza kurara.Ini ndairara ndega pazi bed zihombe. Kurara ndaikuda kwainakidza.

So ndarara paya hangu ndichirota hope dzakanaka chaizvo.Hope dzacho ndadzikanganwa but ndongoziva kuti dzainakidza until ndazoona horror.

Eish pandiri kunyora nyaya ino ndakutonzwa kutya.Ma memories acho achiri kundityisa, but anyway regai ndienderere mberi nekuinyora.

Ndiri kuhope kudaro ndakangonzwa kuti pfakanyu pfakanyu kugumwa gumwa kumakumbo uku. Ndakabva ndapepuka hapana chandakaona ndikangofunga kuti haa pamwe igumbeze randigumha.

Ndakabva ndadzokera kunorara hope dzaitapira kaaa. Ndiri ku deep hope ndakanzwa kugumwa gumwa futi kumakumbo uku,ndini uyo ndobva ndapepuka.

Ndione pane chimunhu chakamira kumberi kwe bed.Ndakavhunduka hana yangu ikatanga kuti bha bha bha kurova.Apa l couldn't move my body at that time maziso chete ndoainge ari active.

Ndakatanga kurohwa ne confusion kaa kuti ndeipiko ikuda kuitika apa handizive kuti aida kunyatsoitasei.

Munhu uya akatanga kuuya kwandanga ndiri nekuside kwe bed.Ndakatanga ku screamer, ndichimukikira uko ndakarara paya.Handisati ndambotya zvakadaro zuva iroro kaa anga ari ma1. Apa hameno kuti body yangu yakamuvha sei pamwe yanga yava adrenaline rush.

Apa pfungwa dzimwe dzichitodedzera kuti haa apa nhasi pangu pandiperera.Haa ndakadedzera ndigo dedzera hapana kana aipindura.

Ndanga ndiri ndega muhondo iyi .Ndakaramba ndichirwisana naye ini. Ndichingo screamer hwee "mhamha daddy , Mwari ndibatsireiwo." Munhu uya achingoramba achiuuya chete achindirwisa.

Eish ndakumbobaya ku kitchen ndimbomwa mvura mbichana ndozodzoka ndopedzisa. Ma memories acho kaa ma1.

Yaa ndadzoka so ndakangoramba ndichi screamer ini. Handizive hangu kuti zvakaitika kwenguva yakareba sei ndichingonetsana nemunhu uya .Ndakazongoona ndatakurwa na mudhara vakumhanya neni mu passage.

Munhu uya handina kuzomboona kuti afamba sei .Haa ndakatanga kudedera ndakatakurwa kudaro ndakaita kumbundira mudhara ndichichema .That odeal yanga yapera l was happy inside but still shaken.

Ndichivaudza kuti ndaona munhu anga achida kundibata pabed. Ivo vachitodedzera kuti hapana chavamboona.

Vanhu vepaden vakabva vamhanya neni ku Hospital haa haiwawo doctor akutodedzera kuti Malaria.Ndobva ndapihwa maziguchu emapiritsi.

After that event ndanga ndakutya kurara ndega zvakanditorera makore akawanda kuti ndiite recover mentally. Ndanga ndakutotya kurara murima futi. It was traumatic hazvinzwisisike kaa zvakaitika.Kana kunamata ndakunamata everyday ndisati ndarara.Handidi kuzviona futi.

Ndichine mivhunzo yakawanda.Kuti munhu wacho akambopinda sei iwo ma door anga akavharwa ese and nekuti akazoita disappear how chete ha ha chete haa varoyi vane technology yavo vega kaa.