Curse Of The Cookie

Curse Of The Cookie

Pandakamuka around 8am, ndakaona incoming call kubva kuna Momz, takaita convo ye 2 minutes. Ndanga ndatoudzwa kunzi ndivarovere chi round kumusha avasi kunzwa bhooo. Ndikatoti aewa musatye ndouuya mangwana Friday manheru because ndo raive zuva roenda mota inosvika kuroots. Ndikati duuu kugaya kuti saka munhu akutoenda ka apa.

Last time when I visited muna January ndakangonogara zve week, but this time around semunhu akunoona munhu akudzimbikana nemuviri ndakatoplana kugara zve mwedzi wese. Network kuside kwacho masai sai anoshupa apa magetsi ma1 futi kwakanyanya. 

Fast forward ndakapedza ma morning chores angu kuma 10am ikoko. Ndikabva ndapinda pa green app (whatsapp) ndakuudza vanhu vangu (Vasikana vangu) kuti aewa mangwana ndafunga kuenda Dande. Semunhu aienda ku exile ndikati kungoita chi match for the road bho manje aka ka goodbye rudo. Match yakanetsa ku organiser ne first team because raive ku fazhi ku Varsity richimanyisa deadline yemaassignments mongoziva pressure yacho.Ndakangoti "it's okay babe, all the best hey." Ndikati apa ndoita se Aston Villa ndo fielder team B since fixture yakawomera first team. Kutokanda message kuna Gamu, 2 minutes confirmation ndanga ndanayo.

Ini kutoswera ndichipeta zvima deals zvangu zuva iroro. Kuma 4pm ndikano collector guest (Musikana uya Gamu) yangu pa busstop. Ndakamupinza mumba zvechi hwande hwande haana kana kumboonekwa nevanhu vepaden, imbwa hadzina kana kumbomuhukurira nekuti dzanga ndakumuziva. Anga Apindira zvake kaa murandakadzi ndakuziva kuti aewa toenderera mberi ne all-night service. Kutoita semunhu akaita hospitality and tourism munhu akuto feeler at home paye ndikamuisira firimu Coming Backack To America.

Semunhu asingawanikwe wanikwe ku sitting room that day ndakanomakisa register until supper which was served around prime time. Munhu aibika zuva iroro ndanga ndamutipira kuti ndinenzara yevanhu 2 that day, saka ongoisa in 2 different plates, order yangu ikauya yakadaro. 

Takarova zvedu foodaz ne guest yangu iya kuroom kwangu. After supper takatanga kungopisa twunyaya paye volume iripa 2 cause ku vanhu vepaden ndanga ndavati ndakunorara. All-night Service yakazotanga time time ndousiku wacho ka. 

Mangwana acho akabva asvika, munhu wangu ndakamubuditsa muden kuma 5am vamwe vese vasati vamuka. Ndobva ndadzokera kunorara futi ndikazomuka kuzvi 8am ikoko. Kuma 10am ndakapindira tonaz  kunotenga zvandakabatiswa na moms nezuro wacho pafoni. Around noon ndanga ndatodzoka kubva tonaz. Ndakatanga kurova ma journey preps , team re sprinter rakufona kuti King address iyi, mobatika kuma 17h00 tikukurumidza kusimuka.

5pm dzakachaya ndichiri mukombi yekubaya tonaz ichibva pa Ruwa, apa yaiva nevanhu 2 ichitotsvaga vanhu haa ndanga ndanonoka futi. Ndakangoti ndichiburuka pana fourth paya ndichibva ndatanga kurova ka fast pace kekunobata Sprinter iya yaibaya ku roots. When I got there mota yainzi yaenda kuna mechanic for check-up around 14h00 ndopandakafema, the conductor was loading the trailer. I started listening to music and buried myself mugreen app. Mota yakazouya 19h03,then the other conductor akuti munhu wese ne love offering yake mumaoko kuti tichibaya, akatambira chegumi paye achipa ma tickets. 

Yanga iri tora mari united chete because tese takarira  pama charges eluggage pakaitika daylight robbery. I had a paperbag re beef ne tax bag raive nema seedlings, biscuits, 2 litre ye mazoe nema meds zvandakaisa mu rimwe bag so futi.

Conductor  vakati younger imi ne luggage mondipa $11. Ndikati ayewa ndiri wekughetto phone ye 50 mari toitenga ne half price rega titange ma negotiations. Ndakuda kupeta munhu paye ndakabva ndanzi "bamnini zvichemo atisi kutora hunzai CASH!" Ini nekudiniwa ndakamupa 20 kuti angoita maths dzake but saga rangu wasn't that heavy. Ticket rakanyorwa very fast. But mface anga afinura munhu wese atora hake bag, ameno kana yaive excitement or ndi Mwari, mface akandipa $15 paticket pakanyorwa $4 change. Ini tambire ndikanodzikama.

Ndakapinda musprinter ndikabuditsa Usb cable, re last-time raive nema ports. Sadly iri raive risina ma ports apa I had last charged yesterday, Yanga yato pa 29% already pamoto. Ipapo ndakademba hangu kuti dai ndaive team Itel hangu nekuti ndakanzwa kuti battery rayo romutsa Chitima. 

Munhu wese akapinda paye, mumota ingamukaaa yakajamuka. Mechanic akauya akazama kubata bata kamwe kafeni so kanga kasiri kutenderera. Vanhu vakatanga kuita noise havo,"tidzorere mari yedu mudhara iwe ungatipinze mumota yakaora kudaro" said one passenger anga ari kubackseat.

Luckily takazopinzwa musprinter imwe so iyoyo yaive nema ports. Pandakapindamo ndakabva ndabairira foni pa drip (charger), happiness yacho I couldn't hide. Vabereki vapinda paye, trailer yakachinjwa ma settings ese bho. Takuda kubaya mvura ndobva yatanga hayo kunaya.

Tiri munzira paya kubaya Mt Darwin, takangoti tichipfuura Mazowe Dam riya. Takangonzwa kuti paaaaaa paaa, munhu wese anga ari mu sprinter akavhunduka. Ndakabva ndadongorera nepa window ndichida kuona kuti chii ndakaona ka Rim kachiita kukungurikira kakananga musango kaiita twuma sparks so. Panguva iyoyo mota yakabva yatanga kusheka sheka driver aizama ku controlla mota panga paipa. 

Ndakatanga kunamata ndanga ndakutoti haa pangu pandiperera ndakuenda (ndakufa)ini. Hana ichiita kurova ichiita kunge ichaputika, mwiri wakuita kupisa ndanga ndakuita kunge munhu ane fever. Twuma flashbacks twese twuya twekutadza kwandaiita ndakatwuona panguva iyoyo haa anga ari ma1. Vakadzi ava vaita ku screamer, vamwe ndovainge vanyarara vakangovhurisa maziso kunge ma globe. Sprinter iya yakabva yabuda mu road ikanorovera pamuti. Luckily haina kunyanyorovera neforce stereki.

Ndakangoti munyama wangu eish ndanga ndakudzoserwa kumashure futi. Pasina chinguva pakabva pasvika mapurisa nema ambulances pa scene. Driver nema passengers anga ari kumberi ndivo vakanyanya kukwara makumbo aya.Vanhu tikapera kutakurwa hedu kubaya kuchipatara changa chiri padhuze Mazowe Hospital. Vaida kunyatsoongorora kuti hatina kuita ma injuries ari internal etc. Apa time dzanga dzakuma 10 husiku , ndikabva ndafonera Momz nevanhu vekuden kuti ndichazouuya mangwana acho, apa ndiri kufanorara kumba kwe friend yangu. Justice imwe shamwari yangu yandakadzidza nayo ku Var aigara same areas. Vaimuziva so havana kuzovhunza zvakawanda. 

Ma test ese akaitwa mabhonzo ese akaonekwa ari okay. Vanhu vekuden na Momz handina kumbovauudza zvanga zvanyatsoitika ndakangoti mota yaiita breakdown chete. Ndanga ndisingade kuti vaiite worry stereki kunyanya momz. 

Pakazongoitawo rimwe Zupco raisvika ku roots randakapinda. Plan dzese dzekubaya kwe friend ndakabva ndasiyana nadzo coz ndanga ndatonhonhokerwa nekuona momz plus futi transport yakachipa kaa. Ndakadzika 02h45, pa busstop apa kunze kuchinairira nekarima. Ndakatanga ndadzikamisa hana rima raive ipapo ndanga ndisingawoni nepandaitsika. Since phone yanga yanemoto, ndakabakidza flashlight. But still I couldn't see anything beyond 4m.

Ndakutosvika paye pane zvima shortcut zvandowanzopinda nazvo zvaisanyatsooneke, I was supposed to take the 4th right turn ndikatora the 3rd. Ma 1 akabva atanga, ini kufamba ku calculator kuti ayewa dai ndatosvika if it was the right way, kuti ndidzokere pandatsaukira too late ndanga ndatorasika. Ndakamira paye ndikati plan ndeipi regai ndiite zvekufona network ikati unonyepa iwe haundibate. 

Ndakangoramba ndichienda mberi kusvika ndarasikira pane umwe musha. Ndakatanga kunzwa imbwa dzichihukura, ini kudzima flashlight kutiza apa ndakabata saga ne satchel mumaoko ndikapinda musango imomo futi. I was going in circles ndikati ayewa idzodzo adzisi pfungwa zvirinani kuedze ndichifamba. Ndaingogaya horror ndichingoti ko ndikapondwa nematsotsi ko ndikaona zvipoko ko ndikachekereswa. Ndakazongoona ndapa gate repa roots kutopinda ndichimanya, I was relieved ndakatambirwa na Momz.Ndakangosviko vambundira nemufaro.