Musi Wakapinda Zizi mu Kitchen Masikati Machena

KaThrowback

Musi Wakapinda Zizi mu Kitchen Masikati Machena

Waiva musi wechishanu ndaitovarairwa hangu ndiri mumastreets eTwirra. Ndobva ndanzwa vanhu vakudedzera kuti hameno chinhu chiku bhuruka mumba,ndikati haa pamwe chiremwa remwa changopindawo.

Handina kana kumboita hanya nazvo stereki. Ndakatofunga kuti haa vanhu vakuita ma jokes ndikabva ndabuditsa musoro nepa door kaa remuroom mangu, ndichidongorera mu passage ndione chinhu chikuita kunge chishiri. Ndakavhunduka ndobva ndavhara door remu room ndikambopaka ndirimo.

Pachaibhururukira mu passage ndakaona vamwe vanhu vepaden vachirova bara kupinda ku dining , vamwe vanga vatova panze kudhara vachi screamer haa pakafambwa.

Apa ndotyawo sei ndakangoita chivindi chekubuda mu room ndichida kuona kuti raenda nekupi ndinzwe vanhu vakuti rapinda mu Kitchen mu Kitchen .

Ndakangozvishingisa ndobva ndanovhura door remukitchen iiii ndakariona riri pamusoro pe fridge ndobva rarova 360 degrees, ndobva kutenderedza musoro waro ndobva tasanganidza maziso. Hana yakabva yarova ndikavhara door remu kitchen faster faster ndichitiza.

Naro naro iro ndobva radzokera mukitchen futi. Vanhu tikashaiwa kuti todi, ndobva vanhu tawirirana kuvhura ma window ese nema door kudining sitting wat watkunogara TV uko.

Chaunga chabva chadzokera ku kitchen nemutsvairo. Bvaravhundutsirwa zizi riya bhurururu bhururu bvarabuda mu kitchen kunosviko mhara, pamusoro pe Tv rakatitarisa vanhu bvavambotsakatika Kutiza.

Haa chaunga bvachaungana futi nawo ma chants "holy ghost fire fire"bhururu bhururu . Ndobva rabuda nepa door takafara kani kuti hondo yapera but handina kuzorara hangu nemashura anga aiitika aya.