Kusiwa Pachena Kwandakaiitwa Nekamwe Kabhebhi So

Kusiwa Pachena Kwandakaiitwa Nekamwe Kabhebhi So

So ndakasanga neumwe musikana so mugrp remusic.Nyaya dzikatanga kutsva paye mugrp then,ndobva zva graduater kupinda kuinbox.

Kuinbox kuya kwainakidza kani ndikati haaa zvangu zvakutoita takaita month tichitaura hedu pa App. Achindiudza hake kuti kanogara ku UpperClass Bhorodheu hake and shuwawo chaiva chokwadi ndainge ndatoitawo twu research twanguwo.

Achitumira mapics ma VN yaa zvekutoti waitonzwa kuti yaa musikana chaiye kana mugrp pane vaitoziva kuti ibhebhi kaipisa kaa.

Bvatazoronga zvekusangana sometime .Day rekusangana rakasvika  ndanga ndakaiita ku Killer mucheno ndakarova Chi Kepi changu chitema so chine ka Dollar sign pamberi .Apa ndine ka T shirt Kane ka Label Kanenge ke Jordan so kanga Kari kechitema also.

Ndakarova kamwe ka Jean ka Skinny so kanga kakati batei mbichana  kane mavara echitema netwuchena .Kutsoka ndakarova chimwe chibhutsu chechitema futi so .

Apa muhuro ndanga ndakarova zvimacheni cheni .Ndakangoti ndichibuda muyard yepaden ndakanzwa makombi achiita kupiringishana. Kurwirana kuda kunditakura mahwindi achiita kudedzera "Town here Mudhara ende makachena."

Ndakabva ndapinda mune ine ka High Roof so isina ndakaisiya yakadaro. Fast forward kombi yakabva yapinda tonaz .Ndini uyo kufonera musikana uya akati ndikupindamo in 20 minutes ndikati bho.

Ndini uyo pa Joina City bvandapinda mu Talkcity Internet Cafe iya.Munonakidza kutambira kaaa ndichimbobaya baya maComputers arimo nekutamba twuma games ndakamirira kuti munhu asvike.

One hour gone munhu haasati auuya aarg Ndobva dzapinda mu 2 Hours munhu haasati abuda kuedza kufonera munhu foni yakutoratidza kuti yakadzima .Ndakabva ndatoona kuti munhu haachauuye apa.

Nzara yanga yandirova sei ndabva ndapinda mu Chicken Inn hangu.Ndini uyo kutenga ka 2 slicer kangu nemvura yekumwa ndikafadza dumbu rangu.

Bvandaedza kumufonera futi call haina kupinda. Ndakabva ndati regai nditenge hangu 3  mabhokisi e Pizza hangu hutu kudzokera kumba

Fast forward musikana uya akazotanga kubatika pa App manheru ndobva ndamuti ko ndeipiko yawandiitira nhasi. Ako kabva katanga kutypa hake.

Heee ndazoenda ku Photoshoot ndazofonerwa naNhingi nhingi achingopedza kudaro ndakabva ndamubloka habatsirike.

The End