Kuchinja Kwenguva Technology Yoita Zvinhu Zvichinje

Kuchinja Kwenguva Technology Yoita Zvinhu Zvichinje

I remember ma old days ndichitumwa kunotenga ma stamps ekuzoisa pa envelope.Tsamba yacho ndobva ndabaya nayo ku post office.Tsamba yacho ndobva ndaikanda muka tank ke red so ndobva ndadzoka kumba.

Kana pandaitsvaga nzvimbo ye form 1, raitova basa kukanda tsamba muka tank kaya.Manje now iii vagarika vanhu ava technology yakanaka.Dzimwe nguva ndichitumira tsamba ndobva ndangoiti pay forward ari mberi ndiye aizobhadhara.Tsamba dzichimbononoka kufamba haa raiva basa chairo.

Ndiri ku boarding Xul ndichitumira tsamba kushamwari dzangu dzaiva kune zvimwe zvikoro ,yaitova competition kaa munhu ainyanya kuita receive tsamba haa anga atori celeb.Munhu uchiti panouya tsamba ku Xul dzakawanda unenge wakavhura ziso uchiti hapana yanguwo here apa.

Ukawana yako iripowo mufaro wawaiita so.Munhu ukawana pasina waigona kutopinda paka depression.

Kwozoita tsamba dzaitenderera pa boarding dzinenge dzakaiswa ma artistic designs ma imprints ari romantic .Kana wanga uri single waingoona vamwe vachiita receive tsamba dzakanaka kudai.Ukaitawo lucky waigona kuwana yakowo kubva kushamwari yako yechisikana wo.

Raitova basa rekuita traffic twutsamba utwu. Paitova na postman or postlady mu every stream pa mission and paitomboita ma failed missions ,ekuti tsamba idzi dzaiitwa intercepted dzisati dzasvika kwadziri kuda kuenda nema Feds (Prefects).

Haa vaibva vafara voziva kuti ma rewards anenge akadira.Sadza rakawanda mudining neextra chingwa chii chii.At times within ma ranks ema prefects munenge mutorine …

Ma agents anenge achitofambisa tsamba idzi , since vanga vasina ma restrictions ema movements and hapana ainyanya kuvavhunza zvakawanda.

Tsamba tsamba dzimwe dzaiva tsamba dzekupihwa bhutsu. Horsekick yaiti ikabatwa or kuverengwa tsamba yakadaro umwe ainoridzirwa trunk vanhu vachifara.

Tsamba tsamba dzainakidza tsamba.Ma old days ainakidza haaa now kwangozara zvimafoni.Zvima WhatsApp nana facebook messenger chii chii vanhu vanongotumirana twuma emoji twumoyo moyo wat wat haa vagarika vanhu ava.Vanhu vakungoita rudo rwavo via Social Media ma messages achisvika ipapo ipapo.Zvekare zviya old xul staira yekunyora nekutumira tsamba vamwe vakatosiyana nazvo.

Tsamba tsamba ndakusuwa tsamba