Munyika YeTumbwe Part 1

Munyika YeTumbwe Part 1

Makare kare madzitateguru a Charles Darwin achiri makudo paive nenyika yemhuka dzesango yainzi Tumbwe. Tumbwe yaiva nyika yakafuma kwazvo, kubva kuma buda zuva kusvika kumavirira kwayo kwaive nebundo raive rakasviba kuti ndoo se hembe dzemumwe muchato wakamboitwa mu Harare (Green Wedding).

Tumbwe yaive yakazara nezvicherwa zvese zvaive zvakakoshera mhuka, kwaiti mbambaira, shombori pamwe chete ne ndorani. Yaive ichitongwa na Mambo Shumba avo vaive vemhuri yanga yave nemakore akawanda kwazvo ichitonga muna Tumbwe. Sekuziva kwenyu Shumba hono hadzisi mhuka dzinoshanda nesimba, Shumba yaive mhuka yaingo tuma vakadzi vayo kuti vanotsvaga zvekudya.

Yaizoendawo hayo kunotsvaga yega nokuda kwekuti inenge yakuto fenda nenzara. Makore aya mhuka dzinodya nyama dzaisa vhima. Dziya dzinodya uswa dzaingo rima zvakasiyana siyana pamwe nekutsvaga michero kuti dzipe vaya vaidya nyama. Rimwe gore kwakaita nzara nokuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura. Izvi hazvina kumboita kuti mhuka dzaive nesimba dzinzwire tsitsi idzo dzaive pasi pavo.

Shumba nemhuri yake vakatanga kutowedzera ku demand food. Vana vaShumba vaiva zvi dhafu dhunda apo vamwe vagari vemu Tumwe vaive vakaonda zvekuti vakamharwa nenhunzi vaibva vadonha. Nokuda kweizvi muguta reTumbwe makatanga kusagarika zvakanaka. Vaiita basa rekutsvaira nhoko, matoto ne ndove munzira dzaifambirwa nemhuka vakatanga kusiya basa iri vachiendawo kunozvitsvagira michero sezvo yavaisipiwa yaisa kwana. 

Mhuka zhinji dzakatanga kutiza Tumbwe dzichienda kunoita nhapwa dzevanhu kuti dziwane zvekudya. Nokuda kweizvi Kamba akabva adana musangano wemhuka dzaive dzisiri mumhuri yehutongi. “Varume nevakadzi vemuTumbwe, ndakudanai pano nekuti paita nyaya hombe.” akadero hake Kamba achi explainer point yake. “Muna Tumbwe hamuchagarika zvakanaka varume. Nezuro ndakatsika nhoko dza Chidembo pandaienda kutsime, mese munoziva nhoko dza Chidembo dzinorwadza kutsika.” akaenderera mberi Kamba sezvo mhuka dzese kunze Kwa Chidembo dzaibvaruka mbabvu nekuseka.

“Nyaya haisi yaChidembo Varume, Nyaya ndeyekuti muno marohwa nenzara zvinhu hazvisisina kumira mushe.” akadero Kamba. Mhuka dzese dzakabva dzatanga kuita maungira ekubvumira zvese zvaitaurwa na Kamba. Achinzwa izvi gava akabva atovhundukira vhundukira kunge Manchester United mu first half ichitamba neshiri, “Haaa varume nyaya yamatanga inonetsa, tese tinoziva kuti Mambo Shumba havade zvevanhu vanodherera.

Dai takosiyana nazvo zvese izvi taenda kudzimba dzedu.” Mhuri yose ya Gava yakabva yatanga kubvumira zvine ukwara Makati. “Ko tadi kuenda hedu kwakaenda vana mombe nana mbudzi?” yakabva yadero mbongoro. “Haaa iweee nyarara, uchingoti mazishaya” yakabva yadzova hayo Shumba. Vanhu vese vakabva vati ziii kunyarara sezvo vaive vasina kuona kuti Shumba yasvika paungano yavo.

 “Mambo Shumba, ndine hurombo kukuenderai mberi asi chokwadi ndechekuti mudunhu medu zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka, taungana Pano kuti tionesane zvatingaite kuti guta redu rienderere mberi. Nhoko dzave pese pese, matsime akupera mvura, uswa hwakupera, takufa nenzara, toita sei nhai ishe, Tibatsirei" Shumba akabva afunga zvakadzama.

Akabva atarisa vana vake vainge vakasimba sa Fantan ndobva atarira vana vaKamba vainge vakaonda sa... Akabva atirisa zve Ganda revana vaKamba rainge rakakwasharara nenhamo ndokubva atarisa revana vake rainge rema big boys. “Moyo wangu wadzimbikana neizvi, nezuva ranhasi ndasarudza kuti muna Tumbwe hamuchatongwe nekuda kwekuti munhu anobva mumhuri yekwaShumba.

Kubva nhasi Takushara mutungamiriri wedu nekuda kwekugona basa kwake. Tikasadero tinonzwa nekutsika nhoko dza Chidembo.” vakabva vakadero Mambo Shumba apo mhuka dzese dzaiseka Chidembo zvekare pamwe nekufarira zvainge zvataurwa na Mambo Shumba.

“Iwe Shaddy, Shaddy, iwe Shaddy” akadero hake Dereck uyo aimutsa friend yake yaainge achigara nayo ku suburb rema students raive padhuve nechikoro. “Its 3am  muka uchere mvura , ndoda kugeza kaa kuti tiende ku fazh early. Nezuro ndini ndakachera vhat saka itoitai plan mdara.” plus garai Ka matsvaga bhutsu dzekufambisa handi moziva road yekuenda ku xul yakapera Tara saka ine madhaka all the way?”