Mashura Mudunhu Imba Yepa Nextdoor Yozara Nhunzi

Mashura  Mudunhu Imba Yepa Nextdoor Yozara Nhunzi

Imba yepa nextdoor inogara ichiitika mashiripiti this time ndichambokuudzai yeNhunzi.

Ndaitofara kaa ndichitoti yaa kwakuuya ma new neighbors pamwe ndingawane kamusikana kanyowani kaa kekutamba nako.

So nezuro manheru acho ndopatakanzwa noise kaa ka movement movement chii chii kekuratidza kuti pane zvikuitika pa nextdoor.

Isu vamwe hatidi kupfuurwa kaa takutodongorera nepaWindow paya tichida kuona kuti ndeipi ikutambika.Wanikwe aarg vanhu vanyowani vakusvika panzvimbo pa map .

Hameno kamwe ka feeling so kaunonzwa kana pakauuya vanhu vanyowani so. Haa ndakanzwa kamwe ka excitement ndikati yaa pamwe ndichawana shamwari nyowani dzekutamba nadzo.

Haa ndobva ndangoti haaa tovaona mangwana makuseni.Ndini uyo hope ndobva dzabata kurara hangu ndichiridza ngonono.

Ndobvakwayedza paya ndakangonzwa vanhu vepaden vachi screamer hii hii, mupfana paya ndobva apinda muroom mangu achiita noise. "Iwe muka apo huya uone zviri pa nextdoor".

Ndakutoti paya vanhu ava vakuda kundidedzera zvisina basa kutondikanganisa hope dzangu. Ndobva ndapinda mu kitchen paya since ndoroom kaa yanga ine good view yeZvese zvinoitika pa nextdoor.

Iiii ndakaitakuona nhunzi dzakaita kuzara one side ye Wall yemba yepanext iyi kuita kunge nyuchi but idzo dziri nhunzi.Haa mu life mangu ndanga ndisati ndamboona nhunzi dzakadai  zvakandityisa.

Munoziva panoitika zvinhu unenge wakuita kunzwa kakuzarirwa so nekuda kuudza vamwe.Ndini uyo kutora ma pics ndakutofunga kuda kutumira vamwe, but ndakabva ndanzwa kutya ndikati aarg ko ndikatumira ma pics aya handizoitwe wastak here ndobva ndamadhilita hangu.

Ndikatumira ma Friends angu ma messages.Vachitofunga kuti ndiri kunyeba ma jokes chii chii but haa zvakatoitika . Anyway back to nyaya?.

Tanga takushaiwa kuti todii . Tikatombofunga kuda kunokera vepanext kuti ndeipiko ikutambika iyi. Zvakarema waizonzi ndimi ani kaa munhu wopedzisira wakuti bwai bwai. Tikatombofunga kudaidza vanhu vekufirita or ve environment vaone yekutamba nenhunzi idzi haa zvikarema futi.

To make matters worse nhunzi dziya dzanga dzakupoya ma one one dzichiuya kuside redu kaa .Takutoti ma1 aya atanga futi nhasi yeduwo yakuzara nhunzi.

Apa vanhu vepanextdoor vaitorova ma movement kaa vachitoita senge pasina iri kutambika, pasina chavari kuona kutoita kunge zvese zviri normal izvo zvisiri.Haa vakashinga dai zvakaitika kwatiri kaa ha taitiza kuenda kunogara kumwe.

So nhunzi dziya dzakaswera dziripo dzikazobaya mangwana acho. Hameno pamwe pane zvavakagadzirisa zvakazoita kuti nhunzi dziya dzibaye.Haa takaonerera isu. Kana nanhasi ndototya kutsika pa nextdoor nezvandakaona.