Kwingy Katokoloshi KaNyowani Mumastreets

Kwingy Katokoloshi KaNyowani Mumastreets

Twumatokoloshi twacho twukuramba twuchiwanda mumastreets. Last time ndaitaura nezve katokoloshi kevarimi kainzi uMudhumeni. Apa ndakutaura nezvekamwe katokoloshi kahombe kanonzi Kwingy. Ndichangoti ga ga ga zvimwe zvizere muchazozvinzwira mangwana. Ndopane Virtual Launch yekatokoloshi aka.

Masai sai angu akuita achitiza tiza ma networks emuno marara chaiwo. Akutondivhiringidza kunyora zvinhu zvinonakidza kudaiso. Anyway masai sai angu adzoka manje after 30 minutes anoita zvaanoda kaa. Ndanga ndapapi zviya hoo ndanga ndakuda kuti ga ga ga. 

So katokoloshi Kwingy kaku launchwa mangwana (4 April). Motarisa apa ndopane detail rese re event. Aka katokoloshi kanenge kachiita kuti vanhu vakwanise kutenga nekutengeserana zvinhu pamhepo. 

 

​Hameno tichaona kuti mangwana kanenge kakamira sei katokoloshi aka. Ndaneta ndakunorara ini hameno zvasarira ana Munya kkk vakukanika kanika katokoloshi kemangwana.