Masai sai emuno anoshungurudza Part 3

Masai sai emuno anoshungurudza Part 3
Image by Pete Linforth from Pixabay

Yeah Internet ye Starlink ngaiite ikurumidze kuuya. Ma Telecoms emuno haa zviri kuakurira zvekuita zvemasai sai izvi. 

Pese vanenge vachingoti vakuongorora dambudziko pasina zvisvinu zvavanenge vachimboita. Zvekuti masai sai acho anobva aiita worse kunetsa. 

Ndadhinhiwa nezuro manetworks ese ari matatu andakajusa data anga asiri kuita. Kurara ndiri murima plus masai sai deng. 

Relationship yangu yato pa critical futi coz handina kutumira ka goodnight message kumudiwa wangu. 

Drama rese rakatanga nguva yakaita twuma shawaz twemvura. Magetsi akabva abaya. 

Yanga iri good strategy yekujusa manetworks matatu ichishanda bho bho kumashure uku. Coz yaiti one main network ne two ma networks ebackup. But nezuro yakandirasisa. 

Masai sai ekutanga akangotiza pakangoenda magetsi. Kutodzima zvese zero signal. 

Masai sai echipiri same skiri akangotiza futi. Waingoona twuma network bars twuviri but hapana chaita. Ma USSD codes achijamuka futi. 

Masai sai echitatu aya ainge akazara nemazi network bars but Internet yavo yanga isiri kuita futi. 

Zvinhu zvinobhowa kuswera uri offline munhu apa data riri tii muline. Dai vaiita compensate vanhu for lost data zvaive nani. Manje iii they just don't care vanototi munhu ona yekutamba wega. 

 

Masai sai emuno anoshungurudza Part 1

Masai sai emuno anoshungurudza Part 2