Ngano Dzemu 21st Century na Uncle Jimmy: Zvakaita kuti Tsuro Abike Sekuru Gudo

Ngano Dzemu 21st Century na Uncle Jimmy: Zvakaita kuti Tsuro Abike Sekuru Gudo

Pasichigare varoyi vasati vave pama social media platforms Tsuro na Gudo vaive nehukama hwakasimba kwazvo. Tsuro anga ari mwana wehanzvadzi ya Gudo. Chero hake anga ari stepchild kuna Sisi va Gudo, Tsuro aidiwa zvisingaite na Sekuru vake. Ndinovimba mese munoziva Ngano iya yekuti Tsuro akazobika Gudo what what, kana musingaizive aaaaaaa tsvagai ma books eNgano kana kubvunza ma teacher eku primary, anokuudzai Ngano yacho. Ini ndoda kukuudzai chakaita kuti Tsuro Abike Gudo.

Right ipapo kwaive kudhara chaiko, vanhu vanga vasati vapedza zviya zva Charles Darwin zve evolution, in other words vanhu ndivo vaive makudo atinoudzwa mungano aya anenge ane mahobi pamwe nekupusa... No offense. Nguva iyoyo mhuka ndidzo dzaive ne brain kupfuura makudo, I mean vanhu. Dzaishandisa a monarchy system asi Shumba haisi riyo yaitonga, kwaitonga makonzo ehee Gonzo ndiro rairira nguva yacho. It was an utopian society, and technologically advanced.

Umwe Gudo ainzi Denver aishanda mu palace ari general cleaner. Umwe Tsuro manje ainzi Barney ndiye aive in charge of scientific research. Gudo iri raive ne hanzvadzi yanga yakaroorwa ne Gonzo since makonzo aive royalty. Sezvo Sisi va Gudo vaive varoorwa na Gonzo uye Gunzo ne Tsuro zvaive ku family imwe chete yetu rodents, vakabva vango adopter kamwe kamwana kaive karaswa. 

Kamwana aka ndiko kakazokura kachinzi Barney Apa ndipo pakaumbwa ukama pakati pa Tsuro na Gudo. Gudo yaive mhuka yakapusa pane dzimwe dzese, too curious, too experimental, too stupid and too unreliable. Nekudero mhuka dzese dzakabva dzangoti makudo ose aite zveku cleaner cleaner izvi. Zvino pane rimwe gore so ma Dinosaurs paaive akuda kuita coup since aida kuramba kutongwa nemakonzo.

Panguva iyi ma Dinosaurs ndiwo aive army ye mhuka dzese. Anga ane weapon system yaive very advanced, they could teleport from one place to another asi Gudo aingofunga vaibhururuka, they also had laser pfuti dzaibuditsa moto like asi Gudo aifunga they breathed fire. Tsuro aimhanyisana nenguva kuti agadzire a weapon system that could defeat ma Dinosaurs Aya. 

Manje papane risk isingaite. Zvaisaita kuti Tsuro na Gonzo vakunde ma Dinosaurs without major collateral damage and huge risks, ipapo Gonzo akabva angoisa plan iya my motion, a plan to reset the world. Ma Dinosaurs atosvika pa palace yakabva yaita batai batai mu Kingdom umu, Tsuro akamhanya kunotora sekuru vake ndobva avaisa muka hibernating pod kaive kaiswa Queen avo vaive sekuru va Gudo. Manje ma drugs ekuti vedu va Gudo varare anga apera, vakabva vangofunga kuti vakuurawa. “Muzukuru muzukuru ndotsva” vakadero vaGudo vachiita noise. “Sekuru musaite noise kani munonzwikwa mukazourawa ne ma Dinosaurs. Sekuru mucharara for a thousand years imomo mamuri, pamunomuka brain dzenyu dzichave dzachinja. 

Amwe makudo ese nemhuka dzese dzisina kupinda mu hibernating pod muchaita pfungwa kudzipfuura zvekuti dzichapedzisira dzatove backward mumaziso enyu. Sekuru kana izvi zvaitika musati kanganwe, musandikanganwe muzukuru wenyu." Akadero achizama kutsanangurira sekuru vake zvaiitika. "Muzukuruuuuu muzukuru ndotsvaaaaa" vaingochema vaGudo kusvikira vazorara. Pavakasvinurira maziso ndipo pavakaona vasina mamvivi sedzimwe mhuka. Ipapo vakabva vatanga kutodya zvavo dzimwe mhuka pamwe chete nekuita makuna kuna nehanzvadzi yavo yavaive varara nayo in hibernating mode for a thousand years. Ndipo pakaperera sarungano.